SHO65-0919 Nyota VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO65-0919 Thirst VGR.pdf · manheru ano, munyika...

48
NYOTA Mazvita, Hama Vayle. [Chibenga patepi—Mupepeti.] Manheru akanaka, shamwari. Irombo rakanaka kuva pano manheru ano. Ino inguva yangu yechipiri kuva muno muGrantway Assembly, pamwe nehama yangu inodikanwa, Mack, nevashandi vose vakanaka vari pano, nemaKristu akabatana vachibva kune machechi akasiyana-siyana, Hama Lee Vayle. Uye ndichangobva mukusangana nehama pano, uyo, sha—shamwari yepedyo yeHama F. F. Bosworth, uye vanga vasiri kana kumboziva kuti Hama Bosworth vakaenda kunova naShe. Ndikati, “Ndiri kunzwa sokunge ndasangana naErisha uyo waidira mvura pamawoko aEria,” apo pavakange vari mhiri kwemakungwa havana kuziva kuti Hama Bosworth vakaenda kunova naShe, vave nemakore makumi masere nemana okuberekwa. 2 Iye zvino ndinoda kukwazisa hama dziri parunhare manheru ano, munyika yose, kwese kubva muCalifornia kusvika muNew York, neTexas ne—nekumusoro kune dzimwe nzvimbo dzakasiyana dzenyika, kubva kuMaine kusvika muCalifornia. Saka, tine hu—hurongwa hwekubatanidza nhare idzi, icho chave chiropafadzo chikuru. Uye zvino tinonzwisisa, kubudikidza neshamwari yedu yakanaka, Hama Pearry Green, kuti vave ne—nekamuchina kaduku kavanogona kuisa paterevhizheni yako, zvokuti zvinenge zvichisingori panhare yoga asi zvinobuditswa paterevhizheni yakowo, zvakare. Zvino vari kumbozviwongorora. 3 Uye, Hanzvadzi Mack, ndinofara kukuonai muchiratidzika zvakanaka, mugere pano paogani, manheru ano. Uye neshamwari dzangu dzakawanda dzandiri kuona dzinobva zasi kuSierra Vista, neHama Borders…kana Hama Roberson, ndizvo zvandiri kureva, vanobva kuIndiana; vazhinji. Ndinoda kuti kuvanhu vari patabhenakeri, manheru ano, zvinoita sokunge chikamu chepakati chavo chiri zasi kuno, avo vanobva patabhenakeri yekuJeffersonville. 4 Uye kushamwari yangu kumusoro kuno, Hama Kuhn, pane zvamakandifonera, maererano nechikumbiro, chehurwere. Ndiri kuchinamatira, Hama Kuhn. Ingovai nokutenda. Musanetseka. Zvichaita zvakanaka. 5 Zvino zasi kuTexas, Hama Blair, kana makateerera manheru ano, hama yangu, ingorangarirai izvi; kuti Mwari Uyo akambokubatsirai pakutanga, anogona kukubatsirai rwepiri. Uye tiri kutenda kuti Mwari achazviita kwauri. Uye musatore nhema dzadhiyabhorosi pamusoro pechipi zvacho. Imi ingorangarirai kuti Mwari ndiMwari, uye pane…uye

Transcript of SHO65-0919 Nyota VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO65-0919 Thirst VGR.pdf · manheru ano, munyika...

Page 1: SHO65-0919 Nyota VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO65-0919 Thirst VGR.pdf · manheru ano, munyika yose, kwese kubva muCalifornia kusvikamuNewYork,neTexasne—nekumusorokunedzimwe

NYOTA

Mazvita, HamaVayle. [Chibenga patepi—Mupepeti.]Manheru akanaka, shamwari. Irombo rakanaka kuva

pano manheru ano. Ino inguva yangu yechipiri kuva munomuGrantway Assembly, pamwe nehama yangu inodikanwa,Mack, nevashandi vose vakanaka vari pano, nemaKristuakabatana vachibva kune machechi akasiyana-siyana, HamaLee Vayle. Uye ndichangobva mukusangana nehama pano,uyo, sha—shamwari yepedyo yeHama F. F. Bosworth, uyevanga vasiri kana kumboziva kuti Hama Bosworth vakaendakunova naShe. Ndikati, “Ndiri kunzwa sokunge ndasangananaErisha uyo waidira mvura pamawoko aEria,” apo pavakangevari mhiri kwemakungwa havana kuziva kuti Hama Bosworthvakaenda kunova naShe, vave nemakore makumi maserenemana okuberekwa.2 Iye zvino ndinoda kukwazisa hama dziri parunharemanheru ano, munyika yose, kwese kubva muCaliforniakusvika muNew York, neTexas ne—nekumusoro kune dzimwenzvimbo dzakasiyana dzenyika, kubva kuMaine kusvikamuCalifornia. Saka, tine hu—hurongwa hwekubatanidza nhareidzi, icho chave chiropafadzo chikuru. Uye zvino tinonzwisisa,kubudikidza neshamwari yedu yakanaka, Hama PearryGreen, kuti vave ne—nekamuchina kaduku kavanogona kuisapaterevhizheni yako, zvokuti zvinenge zvichisingori panhareyoga asi zvinobuditswa paterevhizheni yakowo, zvakare. Zvinovari kumbozviwongorora.3 Uye, Hanzvadzi Mack, ndinofara kukuonai muchiratidzikazvakanaka, mugere pano paogani, manheru ano. Uyeneshamwari dzangu dzakawanda dzandiri kuona dzinobvazasi kuSierra Vista, neHama Borders…kana Hama Roberson,ndizvo zvandiri kureva, vanobva kuIndiana; vazhinji. Ndinodakuti kuvanhu vari patabhenakeri, manheru ano, zvinoitasokunge chikamu chepakati chavo chiri zasi kuno, avo vanobvapatabhenakeri yekuJeffersonville.4 Uye kushamwari yangu kumusoro kuno, Hama Kuhn, panezvamakandifonera, maererano nechikumbiro, chehurwere. Ndirikuchinamatira, Hama Kuhn. Ingovai nokutenda. Musanetseka.Zvichaita zvakanaka.5 Zvino zasi kuTexas, Hama Blair, kana makateereramanheru ano, hama yangu, ingorangarirai izvi; kuti MwariUyo akambokubatsirai pakutanga, anogona kukubatsirairwepiri. Uye tiri kutenda kuti Mwari achazviita kwauri. Uyemusatore nhema dzadhiyabhorosi pamusoro pechipi zvacho.Imi ingorangarirai kuti Mwari ndiMwari, uye pane…uye

Page 2: SHO65-0919 Nyota VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO65-0919 Thirst VGR.pdf · manheru ano, munyika yose, kwese kubva muCalifornia kusvikamuNewYork,neTexasne—nekumusorokunedzimwe

2 SHOKO RAKATAURWA

Anoramba ari zvimwe chete zuro, nhasi, nokusingaperi. UyetinoMuda nekutendamaAri, uye tiri kukunamatirai.6 Kushamwari dzedu dzose dziri muCalifornia; kuHamaMercier nevamwe vari kuno kuArizona, nedzimwe nzvimbodzakawanda, Phoenix; neHama Williams, nekunemi mosemakabatanidzwa nenhare kumusoro uko manheru ano, kwesekwakapoteredza, tinotenda zvikuru; uye nezasi kuGeorgia. Uyetinotenda zvirokwazvo nokuda kwemumwe nomumwe wenyu.Mwari akuropafadzei.7 Ndine manzwiro ekunyatsogamuchirwa zvakanaka panomanheru ano, muchechi ino yakanaka, yeAssembly of GodmunopaGrantway, uye neHama Mack, shamwari yangu yakanaka.Mwari akaropafadza Hama Mack. Ndinorangarira pane imwenguva muCanada, kuti vaive…ndaifamba nekanzira kemhuka,seri ndiri pabhiza, mukati memasango, zvino Mweya Mutsvenewakataura neni kuti ndiburuke ndinamatire Hama Mack.Panguva iyoyo vakanga vari panjodzi, zvino Ishe vakavapodza.Saka ndinotenda zvikuru nokuda kwaizvozvo, uye nokuvapamwe chete navo pano manheru ano, tichinamata IshemuChokwadi chakanaka ichi.8 Murume agere papuratifomu, shure kwangu, ati,“Handifunge kuti munondiziva.” Ndokuti, “Pane imwe nguvamakanditakura nemotokari, pandaiva mufambi anokwira chesechinenge changomuka ipapo,” uye, handizive, nechekumusorokuBoston kana kumwewo, “Detroit, achifamba nechese-chese.”9 Zvino ndati, “Zvakanaka, ndinoedza kakawandakutambanudza ruwoko, pandinokwanisa, kune avo vanengevachishaiwa.”10 Saka, manheru ano, tose tine zvishuwo. Uye tinonamatakuti Mwari vachatipa ruwoko rwavo manheru ano, rwebetsero,rwemaropafadzo, rwenyasha netsitsi dzaVo.11 Iye zvino, ndakati jairirei kupota ndichitaura kwenguvarefu, asi ndichaedza kusadaro manheru ano. Nokuti, vanhuvari kumusoro muOhio vachangobva kufona, Mai Dauch nebokariri ikoko, Hama McKinney neHama Brown, nevamwe vosevakabatanidzwa nenhare inopfuura nemuOhio. Tinokutumiraikwaziso, zvakare. Nguva dzafamba chaizvo kuNew York,zvokuti ndinofungidzira kuti dzave eleven kana kuti twelveo’clock, panguva ino, muNew York. Uye machechi auyaakamirira kusvikira panguva ino, nokuda kwesevhisi. Tinotendanokuda kweshamwari dzakanaka dziri kwese-kwese.12 Iye zvino tisati tavhura Shoko, ngatitaurei neMunyori,kwechinguvana, patiri kukotamisamisoro yedu.13 Baba veKudenga Vanodikanwa, tiri…moyo yedu irikupfachukira nomufaro, nokuda kwemukana watiinawowokunge tiri vapenyu pano manheru ano, uye nokuungana

Page 3: SHO65-0919 Nyota VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO65-0919 Thirst VGR.pdf · manheru ano, munyika yose, kwese kubva muCalifornia kusvikamuNewYork,neTexasne—nekumusorokunedzimwe

NYOTA 3

pamwe chete nevanhu veNyu. Vanhu…uye avo vatinotenda kutivanorarama nokusingaperi. Iko zvino tine Upenyu Husingaperi,nokuti, “Makapa Mwanakomana wenyu akabarwa ari oga, kutiani naani anotenda maAri haazoparari, asi anowana Upenyuhusingaperi.” Parwendo rwaKe pano pasi, Akatidzidzisa, “Uyoanonzwa Shoko raNgu nokutenda mune Uyo wakaNdituma, aneUpenyu husingaperi; uye haapindi mukutongwa, asi apfuurakubva murufu achipinda muUpenyu, nokuti takatenda muneMwanakomana waMwari akaberekwa ari oga.” TinoKutendaizvikuru nokuda kweMuponesi mukuru uyu! Uye tinonamata,manheru ano, kuti Hupo hwaKe hukuru hugotiropafadzapamwe chete pano, patichaverenga Shoko raKe nokutaurapamusoro paRo. Itai kuti Mweya Mutsvene ariendese kumoyowose munyika yose, Ishe, pose apo pakaungana vanhu pamwechete.14 Ropafadzai vamwe vashumiri vari papurupiti. Tinonamata,Baba, kuti mugoropafadza Grantway Assembly ino; mufundisiwayo, mudzimai wake, vana vake; madhikoni, matirasitii,nebhodhi rose. Uye, Baba, dai tikashandira HumambohwaMwari pamwe chete, pachine Chiedza chakakwana kutitione kwatiri kuenda, nokuti nguva ichasvika apo panengepasisina munhu achagona kushanda. Zvino, Baba, tichinemukana uyu, dai isu—dai isu tikadzikinura nguva, Ishe. Daiisu, izvi tazviitirwa. Podzai varwere nevanotambudzwa varimunyika yose. Dai Hupo hwaMwari hwanzwika mune yosehwangwadza nekona yenyika, manheru ano.15 Tinocherechedza kuti kutongwa kwasvika. Zvimeduzvenyika zvikuru zviri kunyura, uye nyika iri kuzunguzika,nekundengendeka kwepasi kuri munzvimbo dzakawanda.Zvinhu zvikuru zvemunhoroondo zvatakanzwa munguvadzakapfuura, zvekutongwa, kuri muBhaibheri, uye tirikuona zviri kudzokororazve muzuva rino. Chiporofitachichiti, “Sezvazvaive mumazuva aNowa, ndizvo zvazvichangezvakaita mukuuya kweMwanakomana wemunhu. Sezvazvaivemumazuva aRoti, ndizvo zvazvichange zvakaita mukuuyakweMwanakomana wemunhu,” uye tiri kuzviona zviri kuitikaizvozvi. “Moyo yevanhu iri kukundika; nguva dzekushushikana;kunetsana kwemarudzi.” Mwari, tinoziva kuti tave panguvadzekupedzisira.16 Tibatsireiwo, Ishe, kuti—kuti tiendese Mharidzokuhwangwadza nekona dzose, kumwana wose waMakatemerakuUpenyu. Zviitei, Ishe. Tazvikumbira nemuZita raJesu. Ameni.Ishe, varopafadze zvino kuverengwa kweShoko raVo.17 Zvino vazhinji venyumunofarira kutarisamuBhaibheri, parikuverengwa nemushumiri. Zvino ndinoda kuverenga manheruano, mavhesi maviri, kana matatu kubva mumaPisarema,Pisarema 42, senzira yekuwana nayo musoro wemharidzo.Zvino ndine maGwaro andakanyora pano, uye ndinoda

Page 4: SHO65-0919 Nyota VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO65-0919 Thirst VGR.pdf · manheru ano, munyika yose, kwese kubva muCalifornia kusvikamuNewYork,neTexasne—nekumusorokunedzimwe

4 SHOKO RAKATAURWA

kutaura nezvawo, ndikakwanisa, patinenge tichienderera mberimumaminitsi mashoma anotevera, tichitaura nezvenyaya iyi.Pisarema raDhavhidha. Dhavhidha akanyoramaPisarema.18 Zvino muri kuvhura, ndinogona kutaura izvi. Vanhuvazhinji vanoti, “Nhandi, ko maPisarema akafemerwa here?”Zvirokwazvo, akafemerwa. Aka…19 Chose chiri—chiri muBhaibheri rino chakafemerwa,inogona kunge iri nhoroondo, dzingava dzimbo, chingavei.Zvakafemerwa. Jesu akati, “Hamuna here kuverengazvakataurwa naDhavhidha mumaPisarema?” Uyezvendinofunga kuti, maPisarema, zvirokwazvo, idzimbo. Zvinokana dzimbo dzakafemerwa naMwari, zviri izvo, zvandinotendakuti ndizvo zvadziri, uyewo dzine chiporofita, ndine tariroyokuti ndimiremuzuva iro pachazadzikiswa chimbo ichi.

Pachava nomusangano muchadenga,Mukutapira, kutapira gare gare;Ndichanosangana newe, ndokukwazisa ikoko;Kune uyo Musha mberi kwematenga;Kuimba kusakambonzwikwa,kusakambonzwikwa nenzeve dzemunhu,

Zvichange zvichibwinya, ndazvitaura!Zvino Mwanakomana waMwari pachaKeachave Mutungamiriri

Pamusangano wemuchadenga.O, ndi—ndinoda kuvapo panguva iyoyo!

20 Zvino Pisarema 42.Senondo inotakwairira hova dzemvura, saizvozvo

mweya wangu unotakwairira imi, OMwari.Mweya wangu une nyota kuna Mwari, iye Mwari

mupenyu: ndichasvika rinhiko ndiwonekwe pamberipaMwari?Misodzi yangu zvakanga zviri zvokudya zvangu

masikati nousiku, apo vangu…apo pavanorambavachitaura kwandiri vachiti, Mwari wako uripiko?

21 Ndinofunga kuti, Dhavhidha, paakanga achinyora Pisaremairi, akanga ari mukushushikana. Zvino kazhinji zvinotorakushushikana kuburitsa zvakanakisa kubva mumunhu.Ndizvo, zvirokwazvo, ndipo apo Mwari…kusvika pokutitinotsanya, nguva dzakawanda, kuti tizviise pachinhano chokutitigozvibvisa munzira. Uye ndinofunga kuti, kana Dhavhidhaachinge apinda panzvimbo dzakadai, ipapo aibva atangakufunga pamusoro paShe, otanga kufunga pamusoro pezvinhu.22 Nguva zhinji, Mwari vanotiisa mu—munzvimbodzakamanikana uko kwatinongozotarisa kumusoro. Dzimwenguva tinotofanira kurara namanhede muchipatara, kanapamubhedha pane imwe nzvimbo, kuitira kuti tigotarisa

Page 5: SHO65-0919 Nyota VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO65-0919 Thirst VGR.pdf · manheru ano, munyika yose, kwese kubva muCalifornia kusvikamuNewYork,neTexasne—nekumusorokunedzimwe

NYOTA 5

kumusoro kuti tione uko kunobva maropafadzo makuruaMwari.23 Zvino izwi randiri kuda kutaura kubva pariri manheruano, izwi rimwe kubva muBhaibheri, iro rinowanikwamuvhesi yechipiri, “nyota,” izwi: Nyota. Ndanga ndichitarisamuduramazwi pandanga ndichitsvaga izwi iri.24 Ndanga ndiri kufunga pamusoro pe—peimwe mharidzopane imwe nguva, ndakaparidza nezveNyota YeUpenyu. Uyendakaitora kubva mumaPisaremawo, zvakare, apo Dhavhidhaakati, “Mirairo yeNyu,” ndinotenda, “yakakosha kwandirikudarika upenyu.”25 Zvino ndanga ndakatarisa ndichifunga pamusoro peizwirinoti “nyota,” nokudaro ndakaritsvaga muduramazwi, kutindione zvarinoreva. Zvino izvi ndizvo zvinotaurwa naWebster,“Chishuwo chinorwadza,” chinorwadza, apo paunenge uri kudachimwe chinhu zvakadzama kusvikira zvava kukurwadza.26 Zvino, ha—hachisi chinhu chinopesana namasikirwe edu,kuva nenyota. Nyota chinhu cha—chakasikwa. Ndechinhu ichoMwari chaakangotipa, kuitira kuti tigokwanisa, kuva nechi—chishuwo chechimwe chinhu. Dzimwe nguva Mwari, zvakarewo,akakupa nha—nharirire yekukutungamirira, chimwe chinhuchigere mauri, chine—chine simba rokutungamirira zvishuwozvakasiyana-siyana izvi. Zvino nyota iyi, nharirire iyi inogaramumoyo wemunhu, chimwe chinhu chaakapiwa naMwari ku—kumuyambira pamusoro pezvishuwo zvinodikanwamaari.27 Zvino panemhandombiri dzenyota. Pane nyota, yepanyama.Pane nyotawo, zvakare, yepamweya. Ndiri kuda kuzviverenga,zvakataurwawo naDhavhidha, zvakare.

Mweya wangu une nyota kuna Mwari, iye Mwarimupenyu:…

28 Kwete wenhoroondo, kana zvimwewo zvakamboitikamakore akapfuura, kana—kana imwe ngano yakambotaurwanemumwe munhu; asi, “yaMwari mupenyu,” Mwari anogaraaripo nguva dzose. Zvino mweya wake wakava nenyota yaMwariiyeye, kwete zvimwe zvenhoroondo.29 Zvino tinoona kuti, Mwari akakupa nharirire, kutiikupe zvinhu zvaunoshuva. Zvino, nharirire iri mauri ndiyoinokutungamirira. Uye nyota iyi inouya nepanha-…rire,nharirire, yokuudza zvinhu zvinodikanwa, tichirevera pamweya.Nharirire mumutumbi, neiri mumunhu wemukatiwo, zvakare.Pane nharirire mumutumbi, inokuudza zvishuwo zvinodikanwamumutumbi wako, zvinounzwa kwauri nenyota. Uyezve,pane nharirire mumunhu wemukati, inokuudza zvinhuzvepamweya zvaunoda, chimwe chinhu mumweya wako, uye,zvino iwe naizvozvo unogona kuziva mhando yeupenyu hurikukutungamirira.

Page 6: SHO65-0919 Nyota VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO65-0919 Thirst VGR.pdf · manheru ano, munyika yose, kwese kubva muCalifornia kusvikamuNewYork,neTexasne—nekumusorokunedzimwe

6 SHOKO RAKATAURWA

30 Kana iwe—kana iwe ukakwanisa kuona zviri zvishuvo zvako,zvino unogona kuziva, naizvozvo, kuti imhandoi yechinhuchiri mauri, chiri kusika chishuwo ichi chauinacho. Munoona,pane chimwe chinhu chaunoshuvira, zvino chi—zvino chinogonakukuudza kumunhuwakowemukati kuti chishuwo ichi chakaitasei, nokuda kwemhando yenyota yauinayo. Ndinotarira kutimunogona kuzvinzwisisa.31 Pane nha—nharirire yemumunhu wemukati, neimweyemutumbi, zvino imwe yenharirire inodanidzira yambirokuzvishuvo zveimwe. Imwe neimwe inodanira kuchishuwo chirikudanirwa nemudani, inotumira saisai reyambiro.32 Sokuti, nya—nyama ine nyota yekugutsa zvishuvo zvirimumutumbi, uye mweya unoshuva zvinhu zviri mumunhuwemukati, chishuwo ndeichi, zvino nguva zhinji izvozvizvinorwisana. Tinoona ipapo, rinova dambudziko guru nhasi,kuti vanhu vakawandisa vanoedza kugara pakati pezvishuwozviviri izvi. Nokuti, chimwe chazvo chinoshuvira zvinhuzvenyika, chimwe chinoshuvira zvinhu zveKudenga.33 Sezvakataurwa naPauro, anozvitsanangura sezvizvimuvaRoma 7:21, “Pandinenge ndichida kuita chakanaka, ipapochakaipa chinenge chiri pedyo.” Paunoedza, makasanganawohere nezviitiko zvakadaro, Makristu? Kuti paya paunenge urikuedza kuita chimwe chinhu chine basa, uchiedza kuita chimwechinhu chakanaka, ipapo unozoona kuti pana dhiyabhorosi,mativi ose, kuti akuvhiringidze, pane zvose zvaunga…Zvinoichocho chinhu chakanaka, ichocho. Ndinoda kuzvitaura,kuitira kuti Makristu agoziva. Kuti kana iwe wave—kana iwewave kutanga kuita chimwe chinhu, panenge paine chimwechinhu nguva dzose chinenge chichiedza kukuvhiringidzapaunozviita, zviite kunyangwe zvakadaro. Ndidhiyabhorosiipapo, ari kuedza kukudzivisa kuita zvakanaka.34 Zvino, kakawanda, ndinosangana nevanhu vasingatanekuhuta-huta zvishoma. Kana vakaona kuti vari kuedza kuitachimwe chinhu, uye—uye zvinhu zvose zviri kungovadzivisakumativi ose, vanoti, “Pamwe hakusi kuda kwaMwari.” Murikuona? Zvino usarega dhiyabhorosi achikunyepera zvakadaro.35 Chinhu chokutanga, ndechokuona kana kuri kudakwaMwari, kana kwete. Zvino kana uchida kuziva kana kurikuda kwaMwari, tarisa muBhabheri. Ndicho chinhu chi—chinokutwasanudza, iShoko raMwari; zvino kana ukazvionazviri muShoko raMwari, kuti iwe uzviite.36 Toti, semuenzaniso, kutsvaga rubhabhatidzo reMweyaMutsvene. Kazhinji, ndakasangana nevanhu, vachiti,“Nhandi, ndakatsvaka Mweya Mutsvene, zvino ndakatadzakuUgamuchira. Handitendi kuti Ndewangu. Nguva dzosepandinozviita, ndinorwara. Zvino pandinotanga kunamata,kana ndikatsanya, ndinorwara. Ndikaedza kuve ndakamuka

Page 7: SHO65-0919 Nyota VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO65-0919 Thirst VGR.pdf · manheru ano, munyika yose, kwese kubva muCalifornia kusvikamuNewYork,neTexasne—nekumusorokunedzimwe

NYOTA 7

usiku hwose, ndinotogara, ndinobatwa nehope dzakasimba.Ha—handikwanise kumira netsoka dzangu.” Rangarira, ndiyedhiyabhorosi. Nokuti, Mwari anoda kuti uve neMweyaMutsvene. Ndewe uyo anoda.37 Kazhinji unoona kuti, kana wanamatirwa, mumusangano,kuti upodzwe naMwari, zvino zuva rinotevera unozoonakuti, pasina kupokana, kuti dhiyabhorosi achaita kutizvigoshata zvakapetwa kaviri kudarika zvazvaive nezurowacho.Maona? Rangarira, anongori Satani ari kuedza kukubvisapamaropafadzo ako ari kuna Mwari. Maona? Usambotereramuchinda iyeye.Maona?Nguva dzose endamberi zvakadaro.38 Ndakava nechiitiko chezvakadaro nguva shoma yapfuuraparwendo rwekuenda kuAfrica. Kana ndakambova neimwenguva apo dhiyabhorosi akambondimanikidza, kwaiva kuendakuAfrica panguva ino yandapedzisira. Wakazova mumwe we—wemisangano yakanakisisa nenguva apo pandakamboendamhiri kwemakungwa. Ndakawana, ndinotenda, zvinhuzvakawanda zvandakakwanisa kuita panguva shoma iyipandakanga ndiri ikoko, ndisingaverengeri rwendo rwangurwekunovhima, kudarika zvandakamboita pane dzimwe nguvadzose. Ndaigara ndichifunga kuti machechi aya haandideikoko, zvino ndakazoona kuti…Ndakanga ndiine tsambayakabva kune mumwe munhu, yokuti, o, havasi kundida ikoko,mubatanidzwa wose; zvino ndokuzoona kuti akanga ari munhumumwe chete, aiva nebepa rekunyorera tsamba kubva kunerimwe sangano, yaiti, “Hatisi kukudai,” achizvirevera iyenemhuri yake. Maona? Saka pandakasvikako…Munoona,kungoti “isu,” akanga ari iye nemhuri yake; zvino vakangavasiri vanhu vaya, zvachose. Saka, zvino wave munda mukuruwatazarurirwa.39 Muri kuona, Pauro paakati, “Pandinenge ndichida kuitachakanaka, ipapo chakaipa chinenge chiri pedyo.”40 Rega munhu wechidiki achangotendeuka auye manheru anokuaritari, pane imwe nzvimbo muno mutabhenakeri ino, kana—kana kunze uko munyika; zvino ingorangarira, mangwana,amai vanenge vakashatirwa kudarika mamwe mazuva ose,baba vanenge vakagumbuka, uye nevana vose vechikoro. Zvinozvinhu zvose zvinovhiringika, nokuti ndiSatani ari kuedza kutiutendeuke. Ari kuedza kuda kukubvisa muGwara. “Pandinengendichida kuita chakanaka, ipapo chakaipa chinenge chiripedyo.”41 Zvino ngatitarisei panyota, tigoona zvirokwazvo kananyota chisiri chinhu chinowanikwa pamasikirwe. Ndine vanhuvaindiudza, “O, handina zvandakamboita. Ndinotenda kutizvinongoriwo mune vamwe vanhu kungoda kuva Makristu.” O,kwete. Handizvo. Chaizvoizvo chimwe chinhu chinowanikwamumunhu wose. Ichokwadi chaicho. Patakauya munyika ino

Page 8: SHO65-0919 Nyota VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO65-0919 Thirst VGR.pdf · manheru ano, munyika yose, kwese kubva muCalifornia kusvikamuNewYork,neTexasne—nekumusorokunedzimwe

8 SHOKO RAKATAURWA

mumazuva akare, takawana maIndia ari muno. Zvino maIndia,kunyangwe vakange vari vahedheni panguva iyoyo, vainamatazuva kana zvimwewo. Kana vachingori vanhu chete, panechimwe chinhu chiri mavari, nyota yepanyama, inodanira kunaMwari, ari kune imwe nzvimbo.42 Seri kumasango, seri ikoko nguva shoma yapfuura, mamaeramazanamana nemakumimasere kubva panogara vanhu, kaguta,kaduku kane vanhu zviuru zvitatu, keBeira, muMozambique.Takawana vagari vemo vechitema vakanga vasinga…vasinakumbobvira vakaona munhu muchena. Ndakawana musikanawechitema, akanga asina kusimira, (vazhinji vavo kashomakunge vakapfeka nguwo), zvino akanga akagara mumuti. Zvinondakanga ndiri kuronda shumba, zvino pakanga paine…Ndakanzwa chimwe chinhu chakaita semunhu, chichiridzamhere. Musikana wechitema akanga akagara kumusorouko, akavhura maziso, akabata mwana mucheche. Zvinozvaaitya…Ndiyo chengetedzo yake yoga, kukwira mumuti,kubva kushumba, mbada kanawo zvimwe, kana imwe mhuka.Zvino akange andiona, ndokunzwa kuti munhu, asi paakatarisandokuona munhu muchena! Akanga asati akambomuonamuupenyu hwake hwose, munoona, akanga zvino achityazvokufa. Maona?43 Asi patinowana vanhu ava, kunyangwe vari muchinhanochokusaririra kumashure seri ikoko, zvakadaro vainamata.Tisati tabata shumba iyi, vakadururira tuupfu (ndihwohwavanodya) pakashizha, voombera nemawoko avo, vachidanapamweya wechimwe chinhu chikuru chavasingazive kwachiri(semusande akafa uyo anonzi anokuchengeta kanawo zvimwe,kumuKatorike), kuvachengetedza, kuti vasauraiwe panguva iyoshumba inenge youya kuzorwisa.44 Munoona, zvinhu zviri pamasikirwe. Hachisi chinhuchinganzi hachitarisirwe panyama kuti uve nenyota yaMwari.Zviri pamasikirwe. Chinhu chaunongofanira kuita. Mwariakakuita wakadaro. Handi zvevanhu vemhando yepamusoro-soro, ndezve munhu wamazuva ose. Hazvisi zvakatsaurirwavamwe vanhu.45 Vanoti, “Zvakanaka, ndakaona vamwe vanhu vachiraramaupenyu hwe—hwekukunda, zvokuti nguva dzose vanongogaravachifara, vachirumbidza Mwari. Ndinoshuva kuti daindainzwawo saizvozvo.” Zvakanaka, chikonzero uine manzwiroakadaro, inyota iri mauri. Uye chinhu chinowanikwapamasikirwe. Zviri kumunhuwose, kuti ave nenyota yaMwari.46 Zvino tichatora zvimwe zvepanyama. Nyota inotanga.Ngatitorei, semuenzaniso, nyota yemvura. Sekutaura kwakaitaDhavhidha pano, kuva nenyota, ye “mvura.” Nyota yemvura,mutumbi unenge uchida mvura. Zvino ukasapa kunyota iyi,unoparara. Unopera mvura mumuviri, zvino ha—hauzorarami.

Page 9: SHO65-0919 Nyota VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO65-0919 Thirst VGR.pdf · manheru ano, munyika yose, kwese kubva muCalifornia kusvikamuNewYork,neTexasne—nekumusorokunedzimwe

NYOTA 9

Kana ukasapa mvura kunyota iyi, kugutsa nyota iyi yemutumbiwepanyama unofa nokukasika. Hauzorarami kwenguva ndefu.Unogona kurarama nguva yakareba usina chikafu kudarikayaungararama usina mvura. Nokuti, unogona kutsanyakwemazuva makumi mana (Jesu akazviita), ndinodairakudaro, asina—asina chikafu, asi haukwanise kuita zvakadarousina mvura. Unooma mvura yose wobva wafa. Unofanirakuwana mvura. Zvino—zvino nyota inouya pauri, handiti,ndeyekukuratidza kuti mutumbi uri kuda chimwe chinhu,kuti urambe uchirarama. Mutumbi unofanira kuwana mvura,kuti urambe uchirarama. Une zvikamu zvinodarika makumimasere kubva muzana zvemvura nemafuta, zvakadaro, zvinounofanira kunwa zvinhu izvi, kuti zvikuchengetedze urimupenyu. Sokutaura kwandamboita, kana ukazvishaira hany’aunoparara.47 Nyotawo zvakare chinhu chinopa yambiro. Iwachiinokuyambira, iyo nyota. Munhu wemukati anoridza yambiroyemuwachi, kamwe kanhu kanorira mauri kachikuudza kutirufu rwave kutambira pedyo. Zvokuti, kana ukasawana mvuranokukasika, unotofa. Zvino inoramba ichiwedzera kudanidzira,kusvika pakupedzisira ukaramba pasina zvauri kuita unozofa,nokuti iyambiro yewachi.48 SaDhavhidha akazvitsanangura muno mumaPisarema,“Senondo inotakwairira hova dzemvura, naizvozvo mweyawangu unokutakwairirai Imi, O Mwari.” Senondo inotakwairirahova yemvura!49 Ndinowanzofunga, ndichiverenga izvi nezvaDhavhidha.Dhavhidha waiva munhu wemasango, muvhimi. Uye aivhimanondo, saizvozvo. Zvino vazhinji vedu, muzuva rino,tinodzivhima. Nondo imhembwe.50 Zvino tinoona, kana wakamboona imbwa, imbwadzemusango dzinobata nondo. Zvino kazhinji dzine, semakava,mazino makuru akapinza. Zvino inogona kubata nondonechepamusoro panotangira nzeve, pano, yozvikandiranehuremu hwayo. Inobva yacheka huro yenondo, zvino nondoinenge isisina mumwe mukanazve. Asi pane dzimwe nguva i—i—imbwa, seuko kuAfrica, imbwa yemusango inobata nondoparutivi, kana yapotsa huro. Inobata, kechipiri, parutivi. Zvinonondo kana yakasimba zvakakwana uye ichigona nokukasika,inogona kuzunzira imbwa kwakadaro.51 Nondo inoidarika kumhanya. Imbwa inoinyangira iyopainenge isingaione, uye kana yakamira kudivi riri kubvanemhepo kubva nekwairi, uye—uye ha—haizivi kuti i—imbwayave pedyo.52 Zvino, kana imbwa yemusango yaibata, kana iri inokasika,inogona kuisasamura. Zvino, kana imbwa yabva parutivi, inengeyakazara mukanwa nenyama yenondo. Kana, kana ikaibata

Page 10: SHO65-0919 Nyota VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO65-0919 Thirst VGR.pdf · manheru ano, munyika yose, kwese kubva muCalifornia kusvikamuNewYork,neTexasne—nekumusorokunedzimwe

10 SHOKO RAKATAURWA

nepahuro dzimwe nguva, inoicheka kusvika pedyo netsinga huruyepahuro, yoipotsa. Zvino nondo, painoizunza, inokwachurazinhindi renyama kubva pahuro yenondo, zvino ropa rinobvaratanga kujuja.53 Zvino imbwa inobva yatevera muhwezva weropa, ichiteveranondo. Zvino apo upenyu hwenondo pahunenge hwave kupera,sezvo ropa, rinova ndiro chitubu cheupenyu kumutumbi, zvinoparinenge roshomeka, nondo inotangawo kurukutika. Zvinoimbwa ipapo, kana mhumhi, inenge ichitevera iri mumashuremenondo.54 Zvino, kana nondo iyi ikashaya mvura! Zvino, mvura inezviri mairi, zvokuti, kana nondo ikanwa mvura, inomisa kubudakweropa. Asi ikashaya mvura yekuzvitonhodza, zvino ro—roparinozoramba robuda nokukasika; nokuti inenge ichimhanya,zvichiita kuti moyo wayo urambe uchipomba. Asi kanaikangogona kuwanamvura, nondo inorarama.55 Zvino pane chidzidzo chikuru ipapo, munoona, uyeDhavhidha ari kuti pano, “Senondo inotakwairira hovayemvura,mweyawangu unokutakwairirai Imi, OMwari.”56 Zvino nondo iyi inoziva, ikasawana mvura inofa.Haikwanise kurarama. Ndakadzironda kakawanda mushuremokunge dzakuvadzwa. Kana ikapinda muhova yemvura,inoyambuka yonwa mvura, yoenda kunokwira chikomo;yodzoka ichidzika, yoyambuka, yonwa mvura yokwirakumusoro. Haufe wakaibata, kana iri kungotevedzananerwizi irworwo. Asi kana ikazongosiyana nehova iyi, kanaikasazonowana imwe hova yemvura pane imwe nzvimbo,unoibata pakarepo. Uye zvino nondo inozviziva, nokudaroinogara pane mvura, painogona kuendako nokukasika. Zvinomungafungidzire here nondo inenge yakasimudza mhino yayo,yawanikidzwa pane imwe nzvimbo pasinamvura?57 Zvino anoti, “Senondo inenyota kana kutakwairira (inyota)hova dzemvura, mwoyo wangu unokutwakwairirai Imi, OMwari. Kunze kwekunge ndaKuwanai, Ishe, ndinoparara. Ha—ha—handikwanise kuenda kunze kwekunge ndaKuwanai!”Zvino kana murume kana mudzimai, mukomana kanamusikana, akawana nyota yakadaro yaMwari, achawanachimwe chinhu. Maona?58 Asi kana tikangouyawo pazviri, zvisina kuperera,“Zvakanaka, ndichapfugama pasi ndigoona zvichaitwa naIshe.”Munoona, hausati wava nenyota chaiyo. Inofanira kuva nyota iripakati perufu neUpenyu, zvadaro chimwe chinhu chinoitika.59 Nondo, zvakare pano yaka…Tinoona kuti ine mamwemanzwiro, ekunhuwidza, inobatidza chinhu chinoyambirakana muvengi ari pedyo. Kakapiwa, aka kamhuka kadiki,nema—manzwiro ekuzvichengetedza. Zvino i—ine chinhuchinoiyambira chiri mairi, kamwe kanhu, kanotekenyedza

Page 11: SHO65-0919 Nyota VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO65-0919 Thirst VGR.pdf · manheru ano, munyika yose, kwese kubva muCalifornia kusvikamuNewYork,neTexasne—nekumusorokunedzimwe

NYOTA 11

mhuno yayo kana muvengi ari pedyo. Unogona kupindamumhepo yemuvengi, uye inobva yazviziva kuti uripo, yobvayatiza. Dzimwe nguva uri kure zvakaita chidimbu chemaera,inonzwa hwema hwako yobva yatiza, kana mhumhi kanaimwewo njodzi. Inokwanisa kuzviziva nokuti yakasikwayakadaro. Inondo, pamasikirwe. Zvino manzwiro aya ari mairindiwo ayakapiwa naMwari, manzwiro ake, ekuiraramisa.60 Zvino ndafunga, kufananidza nondo nemunhu ane nyotayaMwari, muvengi asati asvikapo. Pane chimwe chinhuchiri mumwana waMwari, chokuti kana wabarwa kamwemuMweya waMwari, wagamuchira rubhabhatidzo rweMweyaMutsvene, pane chimwe chinhu chiri mumunhu iyeye chinogonakunzwa kuti pane muvengi. Unogona kutora munhu kanaachitora Gwaro, uye achiverenga Gwaro oedza kupfekerachimwe chinhu muGwaro iroro, chinopesana neGwaro, munhuakazadzwa neMweya Mutsvene anogona [Hama Branhamvanoridza chigunwe chavo—Mupepeti.] kuzvibata, nokukasika.Pane chinhu chinenge chiri kunze kwemutsara. Zvino kanaakasvika pane imwe nzvimbo, zvino—zvino kamanzwiro kayakari mukati, kakaitwa kuti kachengetedze upenyu hwako.Iwe, haufaniri, haufanirwe kuendera chinhu chipi kunzekwekunge chichinyatsoenderana neShoko raMwari. Unofanirakunyatsomira neShoko iroro. Uye, zvino, takachengetedzwanemanzwiro aya kana tichinge chete tiri muMweyaMutsvene.61 Munogona kuenda monoverenga, uye sezvakaita, mumwemunhu oti, zvino ndoenda kunoverenga muna Marko 16, inoti,“Uye zviratidzo izvi zvichatevera vanotenda: muZita raNguvachadzingamadhimoni; vachataura nendimi itsva; kana kubatanyoka, kana kunwa zvinhu zvinouraya, hazvivakuvadze; kanavakaisa mawoko avo pane varwere, vachapora.”62 Zvino, zvadaro, unoona munhu anosimukapo achiti, “Zvino,zvakanga zviri zvemuzera revaapostora.” Izvozvo, zvino,nokukasika, kana wakagamuchira Mweya Mutsvene, wakapiwamanzwiro aya. Inobva yarira. Pane chinhu chatsveyama ipapo.Maona? Vanoedza kuzvitsanangura, kuti ndezve rimwe zuva,kuti zvirokwazvo haudi zvinhu izvi muzuva rino. Asi Jesuakati, “Zviratidzo izvi zvichatevera vanotenda.” Munoona, panekamwe kanhu kanorira mauri, kabhero kadiki, mukuziva kutizvakatsveyama uye iyoyo inzira yerufu.63 Nokuti, Jesu wakati, “Kana tikawedzera shoko rimwe chetekune Izvi, kana kutapudza Shoko rimwe kubva maRiri, chikamuchedu chinobviswa muBhuku reUpenyu.” Munoona, kweteGwaro rimwe. Tinofanira kuRitora sekunyorwa kwaRakaitwa.Zvino Mwari anotarira Shoko raKe, kuti aRiite, zvino tinozivakuti zvinofanira kuve zviri zvamazvirokwazvo.64 Saka nokudaro, hazvinei nezvinotaurwa nechechi, kanazvingataurwe naani zvake, kana wakabarwa neMweya

Page 12: SHO65-0919 Nyota VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO65-0919 Thirst VGR.pdf · manheru ano, munyika yose, kwese kubva muCalifornia kusvikamuNewYork,neTexasne—nekumusorokunedzimwe

12 SHOKO RAKATAURWA

waMwari, unobva wava chikamu cheBhaibheri. Mwariakataurira Izekieri, iye, muporofita. Akati, “Tora bhuku uridye,”zvino muporofita nebhuku vakava chinhu chimwe chete. Zvinondiye mutendi kana achinge agamuchira Mweya Mutsvene;Mweya Mutsvene wakanyora Bhaibheri, zvino Mweya waMwariiShoko raMwari. “MaShoko aNguMweya. Pakutanga kwakangakuine Shoko, uye Shoko rakanga riri kuna Mwari, uye Shokorakanga riri Mwari. Zvino Shoko rakaitwa nyama rikagarapakati pedu.” VaHebheru 13:8, “Iye ndiye mumwe chete zuro,nanhasi, nokusingaperi.” Zvino kana uri chikamu cheShokoiroro, o, zvino rega kuuye chimwe chinhu chinopesana neShokoiroro, [Hama Branham vanoridza chigunwe chavo—Mupepeti.]pane kabhero kanobva katanga kurira nokukasika. Munoona,ndeRekukuyambira kuti pane rufu ruri munzira. Hatifanirekuzviita. Panewo zvakare…65 Nyota idzi ndedzemasikirwe. Dzinongoitika kuMukristu.Dzinongoitika kumunhu wenyama.66 Pane nyotawozve yekubudirira. Vanhu vazhinji nhasi,tinoiendera kuchikoro nyota iyoyi! Tichangocherechedza,vakavhura yunivhesiti. Zvino tinodzikako, uye vanhu vanopedzazvuru zvamadhora vachitumira vana vavo kuchikoro, ne—nekumayunivhesiti nekumakoreji, nekwakadaro, kuti vawanedzidzo, “Kuti vabudirire,” vanohuti, “muupenyu.” Asi zvinohandina chandinopikisana naizvozvo, zvino, zvakanaka. Asi,kwandiri, unogona kuwana fundo yose yepasi pano, asi unengeusati wawana budiriro yemazvirokwazvo. Ndizvozvo. Nokuti,izvozvo zvichaita kuti zvinhu zvikurerukirewo kwenguva shomapano. Uye pane…Asi kana uchinge wafa, unozvisiya zvoseshure kwako, uye nezveupfumi zvose izvi zvatiinazvo.67 Ndaizvitaura pane rimwe zuva, kuPhoenix. Zvinokodzerakuzvitaurazve, kuti, “Zvose zvebudiriro yechimanje-manje,hurongwa hwose hwefundo, hurongwa hwose hwezvesainzi,zvose zvinopesana neShoko raMwari pamwe nokuda kwaVo.”Zvebudiriro ndezve mazvirokwazvo…Hapachazova nebudiriroyehuchenjeri munyika iri kuuya, hwakafanana nehuno. Uhuhuchenjeri hwakatsveyama. Mwari vakava nohuchenjeri hwavohwekutanga pano panyika, paVakataura maShoko aVo akaitika,mbeu yose nerudzi rwayo, uyemubudiriro iyoyimakangamusinarufu, hurwere, kusuwa. Zvino tinotora zvinhu zviri zvesainzi,zvakaiswa pano kuti inge yakabatana, tozvitsveyamisa kuvazvimwe zvinhu, zvino izvozvo zvinounza rufu.68 Sebhambo reatomiki. Handizivi hurongwahwemagadzirirwo ezvinhu izvi, asi ndingazozvitauranepasiri ipo. Vanotora yuraniyamu, kuti vapamure mo—molecule, zvino molecule inopamuka yova maatomu. Chiichazvinozoita zvadaro? Zvinongoparadza zvachose, potse-potse,zvinongoparadza. Zvose zvatinoita!

Page 13: SHO65-0919 Nyota VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO65-0919 Thirst VGR.pdf · manheru ano, munyika yose, kwese kubva muCalifornia kusvikamuNewYork,neTexasne—nekumusorokunedzimwe

NYOTA 13

69 Tinotora mushonga, toisa mushonga uyu pamwenemushonga uyu, kurapa izvi, zvino toutora touisa matiri. Zvinotinoita sei? Tinoparadza zvimwewo zvinhu.70 Zvino ndinofungidzira makaverenga, makaverenga Reader’sDigest yemwedzi wapfuura, kuti yaitaura kuti, “Muzera ratirikurarama mariri zvino, kuti, varume vechidiki nemadzimaivanogona kusvika pazera repakati nepakati poupenyu pakatipemakore okuberekwa makumi maviri nemakumi mavirinemashanu.” Pafungei ipapo. Vasikana vaduku vachigumakubereka, vave nemakore okuberekwa makumi maviri,nemakore makumi maviri nemaviri nemakumi maviri nematatu,makore epakati poupenyu. Muri kuona, chii chakazviitisa,chikafu ichi chemasanganiswa nezvimwe zvatiri kudya.Munoona, zvinhu izvozvi, chikafu neu—upenyu hwatirikurarama. Vezvesainzi ndivo vakazviunza kwatiri, zvino,mukudaro, vari kukuurayai.71 Ndakanga ndiri kuAfrica kwandakaona vakomana vakangavasina kumbopiwa donhwe remushonga muupenyu hwavo.Vanodya nyama ine honye. Vainwa kubva muchidziva chaiitakunge chinogona kuuraya mombe. Zvino ndaipfura chinhuchakange chiri mayadhi mazana maviri, uye ndakangandisingachione nemabhainokura akasimba. Zvino murumewezera rangu akanga akamira ipapo, aindiudza pachinengacharohwa, achiona nemaziso ake asina chaiabatsira. Zvino, kanazvose izvi zvechimanjemanje zviine chimwe chinhu chazvaita…Ndinonzwa kuti dai ndaive nemaziso ake nedumbu rake,ndingadai ndiri munhu akasimba zvikuru. Yaah.72 Asi hezvo, muri kuona, ndizvo izvo sainzi, fundo, zivo,zviri kutiparadza. Tiri kuzviparadza. Zvakatangira mubindureEdheni, kuuya kusvikira nhasi. Asi, nyota yekubudirira!

Zvino, tine nyota yekuyanana. Tinoenda, tinoda kuyanana.73 Zvinoita sejaya nemhandara. Zvino, hazvina kusafanirakana kuti hazvisi (ndinoreva kuti) zvinhu sezvisingatarisirwekuti jaya nemhandara vange vachi—vachidanana. Inyota yerudo.Izera ravo, zvino vano—vanodanana. Hazvisi zvinhu zvinoitasezvisingatarisirwe, zvinhu zvinongotarisirwa kuti vazviite.74 Zvino tinoona zvinhu zvakawanda, muupenyuhwatinorarama mumutumbi wepanyama, zvatinoitiranyota. Chinongori chinhu chiri matiri. Tinoda kuzviita,tinonyatsozvinzwa kuti zvakafanira. Uye zvinenge zvakafanirakuti tizviite.75 Tinoona madzimai akawanda, mumazuva ano, vane nyotayerunako. Zvino hapana mudzimai…Zvinhu zvinotarisirwakuti mudzimai ave nenyota yekuda chiso chakarurama.Ihwohwo—ihwohwo hunhu hwaakapiwa naMwari uye—uyerunako rwaakapiwa naMwari kuitira murume wake. Zvinotinoona kuti madzimai anoda kuva saizvozvo. Sei zvakadaro?

Page 14: SHO65-0919 Nyota VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO65-0919 Thirst VGR.pdf · manheru ano, munyika yose, kwese kubva muCalifornia kusvikamuNewYork,neTexasne—nekumusorokunedzimwe

14 SHOKO RAKATAURWA

Nechikonzero chokuti chimwe chinhu chaakapiwa naMwari.Uye hapana chakashata kuti mudzimai ange akarurama chiso.Vanofanira kudaro.76 Uye, munoziva, ndivo chisikwa choga chokuti—chokutimudzimai akanaka kudarika murume, zviri kurudzi rwevanhu.Dzimwe mhuka dzose, ukaenzanisa mho—mhou nenzombe,nondo hadzi nemukono, tseketsa nejongwe, shiri hadzi neshirihono, nguva dzose unoona kuti mukono wakakura uyewakanaka. Asi kurudzi rwevanhu, zvinoratidza kuti ndikokwakauya nokutsveyama, zvinoshanduka; zvino madzimaindiwo aka—akanaka, uye vanochiva kuve vakanaka.77 Kwete sezvimwe zvikara zvisinganzwisisike zvatinoonamunzira dzedu muzuva rino; kwete, kwete, kwete runakorwemhando yakadaro. Kwete. Ndizvo zvinhu zvakanyangarisazvandati ndamboona muupenyu hwangu. Hongu, changamire.Ndiko kutsveyama kuri kutsveyamisa nyota yechokwadi.78 Zvino, nyota yechokwadi iyo inofanira kuve nemudzimai,kuve “akazvishongedza nehanzu dzakadzikama, uye nokuvanemweya wakafanana naKristu,” Timotio Wekutanga 2:9. Zvinondiyo nyota inofanira kuva nemudzimai kuti ave. Zvinokana uchida kunge wakanaka, ndiyo nzira inokuita kutiunge wakanaka, munoona, mweya wakafanana naKristu, uyenokunge wakapfeka hanzu dzakadzikama.79 O, ini zvangu, vamwe vevanhu avo nhasi vari mumigwagwa!Haukwanise kuona mutsauko wemurume kubva kumudzimai,uye ndicho—ndicho chinhu chinoratidzika zvakashatisisachaunga…handingadaro, zvaka—zvaka…Ha—handinakumboona zvakadaro, zvakaita kunge vanhu. Zvadarikamunhu.Maziso akapendwa kusvika kumusoro sezvizvi, uye, munoziva,maziso anoratidzika zvisinganzwisisike seemadzvinyu, nenguwodzinoratidzika zvisinganzwisisike. Uye, sei, hazvitombo…Zvose zvisina chimiro, havaratidziki semunhu. Uye vamwevevakomana kunze ikoko, vane vhudzi rakakamwa richidzikapasi, vakaisa maroller, ehanzvadzi dzavo akaiswa pamberiapa, munoziva, sei, kutsveyama kuzere! Ndizvozvo. Ndi—ndi—ndiSatani, uye Satani ndiye mutsveyamisi.80 Mwari pavakagadzira zvinhu zvose mubindu reEdheni,zvakanga zvakanaka, zvino Satani akazouya ndokutsveyamisa.Satani haagoni kusika chinhu. Pane Musiki mumwe chete,ndiMwari. Asi Satani anotsveyamisa zvakasikwa pakutanga.Uye iye zvino apinda (izvi ndiri kuda kutaura nezvazvo nhasimanheru) kutsveyamisa nyota yakasikwa pa—pakutanga.81 Zvino, mudzimai, sezvandambotaura kare, anoda kungeakanaka. Mune chiri maari, nokuti munhukadzi uye anoda kuveakadaro.82 Asi zvavari munzira mazuva ano, vhudzi rakagerwasemurume, uye vachipfeka nguwo dzevanhurume; uyewo varume

Page 15: SHO65-0919 Nyota VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO65-0919 Thirst VGR.pdf · manheru ano, munyika yose, kwese kubva muCalifornia kusvikamuNewYork,neTexasne—nekumusorokunedzimwe

NYOTA 15

vanoshandukawo, vakapfeka nguwo dzemadzimai, uye nevhudzirakagerwa kunge mudzimai. Munoona, kutsveyamiswa, zvosehazvo! Chikafu chako chakatsveyamiswa. Upenyu hwakohwakatsveyamiswa. Nyota yako, yakatsveyamiswa. Chishuwochako chakatsveyamiswa. Izuva rokutsveyamiswa!

83 Ndaitaura pano, hakasi kare, nezveEdheni RaSatani. Mwarivakatora makore zviuru zvitanhatu, ndokugadzira Edhenirakakwana. Satani akauya ndokupfapfaidzira mbeu idzi,ndokudzitsveyamisa. Zvino ava nemakore zvuru zvitanhatu, uyeane Edheni rake resainzi, kudzokerazve kutsveyamisa zvinhuzvakanaka.

84 Uye rino izera rokusanganisa, kusanganisa. Vaita kutima—machechi muzuva rino, asvike pakuva emasanganiswa.Ndizvozvo. Vanopindamuno, vongoenda kuchechi, yave dandaropane kunge iri chechi. Chechi inzvimbo apo vanhu vanouyapamwe chete vonamata Mwari muMweya nemuZvokwadi.Zvino nhasi yave dandaro. Tinoendako tova nenguva dukuyekukwazisana, nekuyanana, uye nekofi isina mukaka serikwemba, toenda kumba kusvika svondo rinotevera, zvinotazadzikisa mungava wedu wekunamata.

85 Zvino rave zera rakatsveyamiswa. Uye Satani arikutsveyamisa nyota idzi dzakaiswa naMwari mauri, kuti uvenenyota. Satani ari kudzitsveyamisa. Zvino kana muri kudakuziva zvakanaka, kutsveyama…

86 Kana imi, madzimai, muri kuda kunaka, torai TimotioWokutanga 2:9, ndizvo “zviya kuzvishongedza nehanzu—hanzu dzakadzikama, uine mweya wakafanana naKristu,munyoro, vanozviisa pasi pavarume vavo,” nezvakadaro.Ndiwo mazvishongedzero aunofanira kuita, upenyu hwakohwaunorarama.

87 Anotsveyamisa hunhu chaihwo hwaMwari, nenyotayechokwadi yaMwari, yemutumbi nemunhu wemukati, nokudakwekuchiva chivi. Chivi, kutsveyamiswa! Zvino tinoona kuti,munhu nhasi, matorero avaita kutsveyama uku; nyota yaMwari,nyota yokuda kuva wakanaka pachiso, nedzimwe nyota dzose.Panzvimbo, yemvura, vaishandura kuti igutswe nekunwa doro.Nyota yemufaro, munhu wose anoda kuva nemufaro; nyotayekuyanana; nyota huru idzo Mwari akaisa matiri, kuti tigovanenyota yaKe. Mwari akakusika kuti ugova nenyota yaKe,zvino tinoedza kuigutsa neimwewo mhando yenyota, neimwemhando yekutsveyamiswa kwenyota yechokwadi. Munoona herezvazviri panyama? Munoona here zvazviri pamweya? Tinofunga,chero tangojoinha chechi, izvozvo—izvozvo zvaringana, ndizvozvoga zvatinofanira kuita. Zvakanaka, izvozvo zvakatsveyamazvachose. Kwete.

Page 16: SHO65-0919 Nyota VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO65-0919 Thirst VGR.pdf · manheru ano, munyika yose, kwese kubva muCalifornia kusvikamuNewYork,neTexasne—nekumusorokunedzimwe

16 SHOKO RAKATAURWA

88 Mwari anoda kuti uve nenyota yaKe! “Senondoinotakwairira hova yemvura, saizvozvo mweya wanguunokutakwairirai Imi, OMwari.”Maona?Maona?89 Zvino, kana nondo iya yaitakwairira hova yemvura, toti daipakauya mumwe munhu, imwe shamwari yayo nondo inogonakuuyapo, yosvikoti, “Nhai, ndichakuudza zvanda—ndaigonakuita. Ndinoziva kune chidziva chine matope zasi uko.” Ndizvo,nondo hayaimboda zvakadaro. Iye, hazvaimuitira zvakanakazvachose.90 Hapana chinogona kugutsa iyo nyota iri mumunhu,kusvikira Mwari vapindamo. Anofanira kuIwana, kana kutianofa. Uye hapana munhu ane kodzero yekuedza kunyararidzakana kugutsa nyota tsvene iyi, iri maari, nezvinhu zvemunyika.Kwete, changamire. Hazvina humwari kuita zvakadaro. Zvinokana uine nyota yaMwari, usaende kunokwazisa muparidzinokuisa zita rako mubhuku. Kana uine nyota yaMwari, panechinhu chimwe chete chinoigutsa, chokuti, usangane naMwari.Kana uine nyota yaMwari, ndiyo nzira yoga yaunogonakusangana naYe, kuita saizvozvo.91 Zvino pane njodzi huru, zvakare, kana ukasangwarirazvaunenge uchiita panguva iyoyo. Kana uine nyota yaMwari,iva nechokwadi chokuti ndiMwari wawawana. Maona, ivanechokwadi chokuti nyota yako yagutswa. Asi kana Sataniakambogona kukutsveyamisa, kubva pazvishuvo zvepanyamaizvi, uye kuti anogona kuzviita kana akakwanisa, acha—achangokuita kuti uedze kugutsikana.92 Munhu anobuda, chii chinoita kuti munhu adhakwe?Nemhaka yekuti ari kunetseka uye akadzamirwa. Pane chinhuchiri kushaika maari.93 Ndaive kwaMayo’s, kuno nguva shoma yapfuura, zvinondakanga ndiriko ndiine hurukuro navo. Zvino zvakataurwazvichinzi imomo, zvokuti, pachitaurwa nezvekunwa doro, uyendakavaudza kuti baba vangu vainwa doro.

Ndokuti, “Chii chakaita kuti vanwe doro?”Ndikati, “Handizivi.”

94 Akati, “Nechikonzero chekuti pakange paine chimwe chinhu(iye) chakange chisiri kumugutsa, zvino akafunga kuti anogonakunwa kuti azvibvise mupfungwa dzake.”95 Ndakabva ndazvibata pakarepo, munoona. Vakanga variMwari zvirokwazvo, vaiva chinhu choga chinogona kugutsanyota iyoyo. Mwari pachaVo ndicho chinhu choga chinogonakugutsa nyota yemunhu, ukagamuchiraMwari.96 Zvino Satani anotora zvinhu izvi, sezvandambotaura,ozvitsveyamisa. Zvino kana uri—kana uri…Kana ukasapanyota iyoyi nzvimbo yakafanira muupenyu hwako, uyeworega kuva nenyota nekutora zvinhu zvakapiwa naMwari

Page 17: SHO65-0919 Nyota VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO65-0919 Thirst VGR.pdf · manheru ano, munyika yose, kwese kubva muCalifornia kusvikamuNewYork,neTexasne—nekumusorokunedzimwe

NYOTA 17

kuti zvipedze nyota iyoyo, kuipedza, zvadaro Sataniachazokutungamirira kune mamwe emadziva ake asingayerereane tsvina enyika ino. Unofanira kuzviwana pane imwenzvimbo. Kana ukashaya chokudya, unodya zvemubhinhi.Maona? Uye kana uka—kana ukasawana mvura, wave kufa,unozonwa kubva mu—muchidziva chese-chese, nokuti unengewave kuparara.97 Asi hapana chikonzero chokuita zvakadaro, kana uine nyotayaMwari, nokuti Mwari ndiMwari mupenyu, kwete chimwechinhu chemunhoroondo. “Mweya wangu unotakwairira Imi,Mwari mupenyu,” Chinhu chinopa mvura mhenyu, Chinhuchinogutsa.98 Pane humwe hunhu, hwepanyama, inongori nyota yemazuvaose, munyota yemunhu wemukati. Unokwanisa kuti, “HamaBranham, iyi nyota yemunhu wemukati, ndiyo here yemazuvaose?” Hongu, zvinhu zvinotarisirwa pamasikirwe epanyamakuti munhu wemukati ave nenyota. Uye ndezvokuti, Mwarivakakusika wakadaro, kuitira kuti ugova nenyota yaVo. Vanodakuti uve nenyota yaVo ivo. Zvino, Mwari vakakusika wakadaro.Akanga asina kusungirwa kukuita saizvozvo, asi Akangozviita.Uye dai Akange asina kukuita saizvozvo, kuitira kutiugova nenyota, panenge paine pembedzo pamberi peChigaroChekutongwa, waiti, “Ha—ha—handina kumbova nenyotayaMwari.” Asi, hakuna pembedzo, unayo. Uchazviita neimwenzira; unokwanisa kuiita ari mudzimai wako, unokwanisakuiita iri motokari yako, unokwanisa kuiita chimwe chinhu,unogona kuenda kuchechi kuti ugoedza kuigutsa. Zvino handinachandinopikisa pakuenda kuchechi, asi hakuzi iko kugutsikana.Zviri pakuwana Mwari, Mwari mupenyu, Mwari weKudenga,mumoyo mako, izvozvo zvinogutsa chishuvo nenyota yaurikushuvira.99 Zvino, nokuti, Akakugadzira saizvozvo kuti ugova nenyotayaKe, yekuyanana naYe. Zvino, pane nyota yechokwadiyekuyanana. Zvino tinofarira kusangana mumwe nomumwe.Tiri kuzviita manheru ano. Tasangana pano pamwe chetemanheru ano nokuti tinofarira kuyanana, mumwe nomumwe.Sei tichidaro? Nokuti pane chimwe chinhu chiri matirichinoita kuti tide kusangana mumwe nomumwe. Izvozvozvinotarisirwa. Zvino tinosangana pano pachinhu chimwechinotibatanidza, nokuda, kwekuti tose tine nyota yaMwari.Maona? Zvino tinosangana pano panzvimbo yenguva dzose,yechinhu chatinofarira tose yekuyanana. Muchechi manheruano, muno, munogona kunge muine mawonero akawandaakasiyana emasangano, nezvakadaro; asi kana zvasvika panyotaiyoyi, tinogona kusangana pane chinhu chinotibatanidza,chinhu chimwe: tose tine nyota. Vamwe vanogona kungevachitenda mukusasa mvura, mumwewo uyu pakubhabhatidza,mumwe anoita zvokudira mvura, kana zvimwewo; asi kana

Page 18: SHO65-0919 Nyota VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO65-0919 Thirst VGR.pdf · manheru ano, munyika yose, kwese kubva muCalifornia kusvikamuNewYork,neTexasne—nekumusorokunedzimwe

18 SHOKO RAKATAURWA

zvasvika pakuva nenyota yaMwari, ti—tinouya panzvimbo imweyatinobatanidzwa. Uye Mwari vakatisika kuti tigoita saizvozvo,kuti tigova nenyota yaVo uye nekuyanana naVo. Hapana chimwechandinoziva…100 Pandaive kakomana kaduku, ndinorangarira kutindakakurira mumhuri yaive yevarombo zvikuru. Uyendinorangarira kakawanda ndaienda kunze neshamwaridzangu. Ndakanga ndisingapfeki nguwo dzokutindigokwanisawo kuenda kune nzvimbo dzakadzikama. Asi, ha—handizivi, pane chimwe chinhu chiri pavanhu, chandaifarira.Ndaifarira kunge ndiinavo. Asi ndakanga ndakaita, sokunge,zvinganzi, gwai dema. Zvino pandakaponeswa ndokuwanachinhu Chiya mandiri, chandainzwira nyota, Sha—Shamwari,Mumwe aizova shamwari yepedyo kwandiri, Mumwewandaizovimba naye, Mumwe waunogona kugara naye pasiwomutaurira nhuna dzako. Zvino pandaka…Ndakawanakugutsikana kwechokwadi kwemazvirokwazvo pandakawanaJesu Kristu, Mugutsi wemazvirokwazvo wechokwadi anobvisazvose—zvose…anopedza nyota yose, okupa Chimwe chinhuicho—icho chinoratidzika kuti hapanazve chimwe chingatoranzvimbo yaKe.101 Zvino kuti Satani anoedza zvakadini kutsveyamisakugutswa kwemunhu wemukati, iyo nyota yemunhu wemukati!Anoedza kukupa zvose kuti uigutse. Uye ane hunyengerihukuru kunyanya sei mazuva ano okutsveyamiswa. Inoinyika yakatsveyamiswa. Rudzi rwakatsveyamiswa. Vanhuvakatsveyamiswa. Zvinhu zvose zvakatsveyama, uye zvangazvichitsveyamiswa zvishoma nezvishoma kusvikira tavemuzera rine hunyengeri hunodarika hwakambovapo…rakamboraramwa nomunhu. Rave nehunyengeri kudarikahwakare.102 Zvino haukwa—kwanise kufungidzira hunyengeri hwavemunyika, kunyangwe nehama dzedu, sevanhu vemuAmerica.103 Ndaitaura pane imwe nguva yapfuura. Ndakanga ndirimumasango masvondo mashoma apfuura ndikaona pakiti ye—ye—yefodya iri musango. Zvino yaiti ipapo, “Sefa yemunhuanofunga.” Zvino ndakaenda musango kwekachinhambwe,ndokubva ndadzoka; ndokuramba ndinazvo mupfungwadzangu, “Sefa yemunhu anofunga, uye kuravira kwemunhuanoputa.”104 Saka, ndakanga ndiri kuWorld Fair, makore mashomaapfuura, ndinorangarira pavaiva naYul Bryner nevamweikoko, pavairatidza zvemidzanga yefodya. Kuti vaitora chiutsivochiisa pachimedu chedombo, vozotora Q-tip vokokoranikotini kubvapo, ndokuiisa pamusana wegonzo. Mumazuvamanomwe, rakanga rava nekenza yokuti rakanga risisakwanisekana kusimuka. Munoona, kubva pamudzanga mumwe chete!

Page 19: SHO65-0919 Nyota VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO65-0919 Thirst VGR.pdf · manheru ano, munyika yose, kwese kubva muCalifornia kusvikamuNewYork,neTexasne—nekumusorokunedzimwe

NYOTA 19

Zvino vakazoratidza zvazvinoita zvapinda mumapapu emunhu.Vamwe vavo vanoti, “Handihukwevimukati. Ndinongodhonzeramukanwa.” Zvigoratidza mapindiro azvo mumate zvigodzikanenzira imweyo, nepahuro, munoona.105 Zvinomurume uyu akati, “Munonzwa kutaura kwakawandapamusoro pesefa.” Akati, “Zvino, kana wava nehavi,” panenyota, muri kuona, “havi yekuputa mudzanga wefodya,chimonera chimwe chete chinogona kugutsa havi iyi kechinguva.Asi kana uine sefa, zvinotora midzanga mina kuti ugutswe,”ndokuti, “nokuti unenge wave kungowana chikamu chimwekubva muzvina cheutsi.”106 Ndokuti, “Kuravira kwemunhu anoputa”? Munoona,haukwanise kuva neutsi usingawanewo tara. Zvino kanawawana tara, wava nekenza. Saka hezvo izvo, munoona, a—anongori manomano. Zvino ndinofunga pamusoro pekambaniye—yefodya iri munyika ino, uye—uye ichiraramiswa nenyikaino, zvino nemano akadaro, okunyengera zvachose zvizvarwazvemuAmerica, kuvanyengera. Sefa yemunhu anofunga?Anongori mano okuti vatengese fodya yakawanda.107 Zvino ndakafunga pamusoro pechinhu icho, “Sefa yemunhuanofunga,” ndakafunga, “izano rakanaka.” Saka pane Sefayemunhu anofunga, ndiro iro Bhaibheri rino. Se—sefa yemunhuanofunga anotora Sefa iyi, Ichabuditsa kuravira kwemunhuakarurama. Maona?108 Zvino, haukwanise kudhonza chivi nemumapeji eBhaibheririno. Kwete, Rinochimisa. Rinochisefera kunze. Zvino, unogonakuenda kuchechi, wotora zvese-zvese, asi haukwanise kupfuuranemuBhaibheri iri wogova nechivi. Harizviiti. Rinosefera chivichose kunze, uye Rigokupa kuravira kwemunhu mutsvene.Nokuti kana munhu achifunga kuti anoda kuva mutsvene, uyeagofanana naMwari, agova mwanakomana kana mwanasikanawaMwari, zvadaro anenge ave kuda Sefa chaiyo. Saka Anomisachivi chose kudivi iri reBhaibheri, zvinoAnogona kuunzaMweyaMutsvene bedzi nemuBhaibheri, uyo akanyora Bhaibheri.Kuravira kwemunhu mutsvene, kuva neSefa iyi yemunhuanofunga.109 Zvino tinoona kunyengera kwazviri kuita muzuva rino.Mateo 24:24, Jesu akati, “Mumazuva okupedzisira, kuti,mweya miviri iyi ichange yakafanana zviri pedyo kusvikirayaitonyengera vaSanangurwa dai zvaibvira.” Zviri pedyonepedyo! Ko, kunyengera kwakadini kwe—kwechakanakanechakaipa, kwatinako nhasi!110 Uyezve nemu—nemuhurumende yedu, mune zvematongerwoenyika, ha—hatina kana munhu watinogona kuti ndewezvematongerwo enyika, anonyatsomira nezvaanofunga kutizvakanaka. Varipiko vanaPatrick Henry nevana GeorgeWashington, nevana Abraham Lincoln vedu vanhasi?

Page 20: SHO65-0919 Nyota VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO65-0919 Thirst VGR.pdf · manheru ano, munyika yose, kwese kubva muCalifornia kusvikamuNewYork,neTexasne—nekumusorokunedzimwe

20 SHOKO RAKATAURWA

Sokungotaura kwakaita Mutungamiriri wenyika wedu paya,“Maitiro, kana vari kuda communism, vanogona kuiwana,chose zvacho chingadiwa nevanhu.” Kuti haasi here mu—munhu uyo asingataure zvaanotenda! Munhu anomirapamusimboti wechitendwa, anomira pane icho chinonzimusimboti wezvaanotenda…kungoda kuenda ne—ne—nenzirayakareruka.111 Uye ndiwo maitiro ave kuita vanhu, muchechi. Vanodakuuya vojoinha chechi, uye voti, “O, saka, izvo—ndizvo,nda—ndajoinha chechi zvino.” Uri kuedza kugutsa nyotahuru tsvene yakaiswa naMwari mauri, Nharirire iya irikuedza kukutendeutsira kuchinhu chakanaka, zvino iwewoedzakuigutsa nokujoinha chechi, kudzokorora chitendwa, kanachimwe chakadaro. Nokuti, hapana zvimwe kunze kweHupochaihwo pamwe nokuzadzwa naMwari pachaKe muupenyuhwako, ndizvo zvinoigutsa.112 Haazogutsikane nechitendwa. Haufe wakakweva chitendwanemuBhaibheri iro. Kwete. Hamuna kana ChitendwachavaApostori, sokudanwa kwachinoitwa, hachizogonikupfuura neMo. Ndiratidze muBhaibheri apo ChitendwachavaApostori chinoti, “Ndinotenda kereke Tsvene yeRhomaKatorike; ndinotenda mukuwadzana nevasande”; apoBhaibheri rakati, “Pane murevereri mumwe pakati paMwarinemunhu, ndiye Murume Kristu Jesu.” Haufe wakazvikwevanemuBhaibheri.113 Haufe wakapfuudza madhanzi ose aya, nezvikabudura,nezvinhu zviri kuitwa nevanhu nhasi, zvekuzvongonyokanechiwatusi, neizvi zvose, nemuShoko raMwari. Haukwanisekupfuudza zivo yechimanje-manje nemuBhaibheri.Rinopikisana nazvo.Munoona? Zvino unoedza kugutsa iyi nyota,asi, unoona, zvicha…Bhaibheri rino rinogutsa chete kuravirakwemurume kana mudzimai akarurama. Mweya Mutsvene uyu,wavanoseka, vachiti, “Wave kupenga.” Asi Izvozvo zvinogutsachishuwo chacho, chinhu icho chisingazivikanwe nenyika.Vazvitsveyamisa, kubva parubhabhatidzo rwechokwadirweMweya Mutsvene pamwe neShoko raMwari, (kune zvipi?)kuzvidziva zvine tsvina, zvidziva zvechechi, zvedzidzisonezvitendwa, pamwe—pamwe nekupesana kwemasangano,nezvimwe zvakadaro.

Ukati, “Uri Mukristu?”114 “Ndiri muMethodisti. Ndiri muBaptisti. NdirimuPresbyterian.” Hazvina chinhu chimwe chazvinoreva kunaMwari, kana chimwe. Haukwanise kupfuudza zvinhu izvozvonemuBhaibheri raMwari pano. Uye uri kuedza kugutsa nyotatsvene yawakapiwa naMwari, kuti uve nenyota yaKe. Ndizvohere? [Ungano inoti, “Ameni.”—Mupepeti.]

Page 21: SHO65-0919 Nyota VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO65-0919 Thirst VGR.pdf · manheru ano, munyika yose, kwese kubva muCalifornia kusvikamuNewYork,neTexasne—nekumusorokunedzimwe

NYOTA 21

115 Iye zvino, munoziva kuti Dhavhidha akati pano, “kunaMwari Mupenyu.” Zvino, “Pakutanga kwakanga kuine Shoko,uye Shoko rakanga riri kuna Mwari, uye Shoko rakangariri Mwari. Zvino Shoko rakaitwa nyama rikagara pakatipedu.” Zvino hapazova nekugutsikana kusvikira Shoko iri, ririMwari, rave benyu mauri, ndipo paunoona Mwari Pachavovachizadzikisa vimbiso dzaVakaita muBhaibheri.116 Iye zvino tine vadudziri vakasiyana-siyana veBhaibheri.Imwe chechi inoRidudzira nenzira iyi, imwe inoRidudziranenzira iyo, uye imwewo nenzira iyi. Vamwe vanongotorazvishoma zvaRo; vamwe vanotora pano neapo, chikamu chaRo.Asi Mwari AnoZvidudzirira pachaKe. Kana achinge aitavimbiso oizadzikisa, ndiko kududzirwa kwayo.117 Kana ndikakuvimbisa kuti ndichange ndiri pano nhasimanheru, zvino ndiri pano, ndiko kuzadzikiswa kwevimbisoyangu. Kana ndikati ndichasangana newe mangwanani, zvinondovapo, ndiyo vimbiso yangu. Hapachadiwi kupiwazve chimwechikonzero, ndinofanira kunge ndiripo.118 Zvino kana Mwari achinge apa vimbiso, wouyakuzozadzikisa vimbiso iyoyo, ndiyo dudziro yevimbiso iyoyo.Uye ndinokurudziramunhu upi zvake kuti atoreMwari paShokoraKe, agoona kuti Shoko rose riri muBhaibheri harisi Chokwadihere. Ndizvozvo. Ndizvo zviri nyota iya iri mukati umo.119 Unoti, “Dai ndakararama mumazuva aJesu, ndaingadaindakaita zvakati-ne-zvikati.”120 Handiti here, uri kurarama mumazuva aKe. Ko tirikuitei pamusoro pazvo? Tiri kuitei? Unoti, “Zvakanaka?”Chii chawaita, pamwe zvakaitwa nevaFarisei. Vaive nhengodzechechi, uye vakaramba Jesu Kristu.121 Tinogara tichiti nhasi, vanhu vanoedza kuti, “Tinoenzanisa.Tinofanira kuenzanisa peji yeBhaibheri nepeji yeBhaibheri,Gwaro neGwaro.” Hachizi Chokwadi. Kwete, hachizi Chokwadi.“Izwi rechiGiriki iri rinoreva zvokuti, uye iri rinoreva zvokuti.”Ivo maGiriki pachavo, kare muNicaea Council, nevanyorikareko, vaiva nenzira dzakasiyana. Mumwe aitenda nenzira iyi,uyumudzidzi wechiGiriki aireva zvakati, uye mumwe achiti uyuanga achizvireva nenzira iyi. Zvino vakaita gakava pamusoropaZvo. Hatidi dudziro yevadzidzi vechiGiriki kana yemashokoechiGiriki.122 “KuMuziva ndihwo Upenyu,” iye Munhu, Kristu pachaKe!Kwete kuenzanisa. Pachizaruro ndipo apo Mwari akavakiraChechi yaKe. Zvino kana tikasavakira paChechi imwe chete…Bhaibheri rakati, “Abheri, nokutenda!” Zvino kutendachizaruro chaMwari. Maona, kutenda chizaruro chaMwari.Zvakanaka. Chinhu chose ichi chakavakirwa pachizaruro,uye ndokunge zvazarurwa kwauri! Jesu akati, “NdinokutendaiImi, Baba, kuti makavanza zvinhu izvi kubva kune vachenjeri

Page 22: SHO65-0919 Nyota VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO65-0919 Thirst VGR.pdf · manheru ano, munyika yose, kwese kubva muCalifornia kusvikamuNewYork,neTexasne—nekumusorokunedzimwe

22 SHOKO RAKATAURWA

venyika ino, mukazvizarurira kuvana vanogona kudzidza.”Munoona, zvino, nyaya yose ndipo payakavakirwa, unofanirakuziva Munhu!123 Haukwanise kuigutsa nokujoinha chechi. Unofanira kuwanaMunhu uyu, Mwari pachaKe, rinova ndiro Shoko ne—nedudziroyezvaAri muzuva rino, vimbiso dzaAkapa muzuva rino. VanhuvaAinge achazova navo muzuva rino, “Chechi isina gwapakana kuunyana,” hazvireve sangano; zvinoreva vanhu, munhumumwe nomumwe asina gwapa kana kuunyana. “Pachavanevaviri panhowo, Ndichatora mumwe ndosiya mumwe; vavirimumunda, Ndichatora mumwe ndosiya mumwe.” Asi kanaMwari, nyota tsvene iya yokuda kufanana naYe, zvino woonakuti Shoko raKe riri mauri, richiZvisimbisa, kuti uri murandawaMwari. Chose chinotaurwa naMwari, unonyatsochiitanemazvo, zvino unenge wave kupfuura nemumatanho chaiwoekugutsa nyota tsvene iri mauri.124 O, ndizvo chaizvo, vanhu vachakuseka, uye vachiti,“Wasangana musoro. Wave kupenga.” Asi rangarira kutivarikunwa kubva pai, munoona. Tarira pavari. Ungafungidzirehere chisipiti chikuru chiri kupfachurira mudenga mvurayakanaka, zvino mumwe munhu anenge ari pane rimweremakomba ari zasi uko, rine mazunguzurwa akafa,nezvitendwa, zvinhu zvose zviri mariri, achinwamo ari zasi uko,achitarisa kumusoro achikusvotesa? O! Sei, haazivi, haazivezvakaita—zvakaita Hova inopedza nyota yaugere pairi. Ndizvochaizvo.125 Tina Mwari mupenyu. Kwete uyo akafa makore mazanagumi nemapfumbamwe akapfuura ndokugara ari muguva,asi Uyo akamukazve. VaHebheru 13:8, inoti, “Ndiye mumwechete zuro, nhasi, nokusingaperi.” Mweya Mutsvene mumwechete wakaburuka neZuva rePentecosti ndiwo mumwe cheteuri pano iye zvino. Iye ndiye Mugove unogutsa, nokutindiYe Shoko. Ndizvozvo. Mweya Mutsvene akanyora Shoko,Anodudzira Shoko. Bhaibheri rakati, muna Petro Wechipiri,Mweya Mutsvene ndiwo wakanyora Bhaibheri, “Varume vakare,vaisundwa neMweyaMutsvene, vakanyora Bhaibheri.”126 Zvino, haukwanise kuzviita, haukwanise kugutsa nyotatsvene nechinhu chisiri Mwari pachaKe achigara mauri,ari muMunhu weMweya Mutsvene. Dzidzo, tsika, kujoinhamachechi, kudzokorora zvitendwa, kuenda kunova nhengoyeungano; zvinhu zvese izvi zvakanaka zvikuru, asi zvirokwazvohazvigone kumisa kunyarara kutsvene uku, iyo—iyo nyotatsvene, ndizvo ndanga ndiri kureva, hazvinyaradzi nyotatsvene iyi.127 Ndaiterera Billy Graham, muvhangeri mukuru, pane umweusiku. Ndinokutaurirai, ndinomunamatira zvakanyanya zvinokudarika zvandakamboita. Ndakaona achinyatsovakarira,

Page 23: SHO65-0919 Nyota VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO65-0919 Thirst VGR.pdf · manheru ano, munyika yose, kwese kubva muCalifornia kusvikamuNewYork,neTexasne—nekumusorokunedzimwe

NYOTA 23

pane zvavakanga vaita. Akati, “Iro boka revafundisi rinouyarichidzika nomumugwagwa, vakapindurudza makora!”Vachienda kwavakanga vasingafanire kuenda, vachizvipinzamune zvimwe zvinhu. Asi vaifamba vachidzika nomugwagwa,[Hama Branham vanoridza mawoko avo—Mupepeti.] vachiridzamawoko avo nokuridza pasi netsoka dzavo. Saka, vairatidzikasevaumburuki vasina hutsvene. Zvino, munoona, asi vanechimwe chinhu chava—vanotendamachiri. Vane chimwe chinhu,chinofadza munhu wavo wemukati. Vane chimwe chinhuchavanofara nacho. Mumwe mudzimai akaenda ndokunoisamusoro wake pane imwe nzvimbo zasi uko, zvino ndokubvavafunga kuti akafira chitendero, uye akanga asina kufanirwakuita zvaakaita. Zvino tinoona kuti varume ava [Hama Branhamvanoridza mawoko avo] vaiva nechimwe chinhu chavaigonakuomberera maoko avo. Vaifara. Vakanga vari kuita chimwechinhu.128 Zvakanaka, kana uchigona kuita zvakadaro pachi—chitendwa chaunofunga kuti ndechechokwadi pano; zvinowomiramuchechi mumwemunhuwouchira nemawoko ake kanakuridza pasi netsoka, madhikoni anovaburitsa nepamusiwo.Munoona, vaendesa vanhu vavo kuchidziva chine tsvinachezvitendwa nemasangano, panzvimbo yokuvapa chikafucheShoko raMwari dzvene rakaropafadzwa, rinounzwa neSimbarokumuka kwaJesu Kristu.129 Munoona, vanoedza, vanopedza nyota yavo vachiti, “NdiniChiremba Nhingi-nhingi,” kana kubva nokune imwe seminarikana chimwewo chikoro. Asi izvozvo hazvina chimwe chetechazvinoreva, kana chimwe zvacho. Asi, munoona, ivo, vanoedzakuzvigutsa, vachiti, “Zvino Mwari vachandicherechedza nokutindiri mufundisi waVo. Mwari vachandicherechedza nokuti ndiniBaba vatsvene Nhingi-nhingi, kana muBhishopi Nhingi-nhingi,”kana—kana zvimwewo zvakadaro. Vari kuedza kugutsa nyotayavo ipapo, apo usingagoni kuzviita. “Ndine Ph.D., LL.D. NdineBachelor of Art yangu. Ndine zvakati.” Izvozvo zvakanaka. Asi,kwandiri, zvinongoreva kuti wave kurewo naMwari zvakadaro.Ndizvozvo. Kuve kure naMwari zvakadaro, nguva dzose!130 Unoziva Mwari chete nechiitiko. Haukwanise kudzidzaiZvi mauri. Zvinoberekwa mauri! Chimwe chinhu chaunopiwanaMwari. Dzidzo hainei nechekuita naZvo. Mumwe wevanhuvakurusa muBhaibheri akanga asingagoni kusaina zita rake,Mutsvene Petro. Ndizvozvo chaizvo, iye naJohane, Bhaibherirakati, “Vari vaviri vakanga vasingazive uye vasina kudzidza.”Asi zvakafadza Jesu kumupa makiyi eHumambo, nokuti aivanenyota yaMwari. Ameni. Nyota yaMwari, yekuyanana. Hongu,changamire. O, ini zvangu!131 Ndinofunga pamusoro paIsaya, mujaya uya, o, mujayaakarurama, akanga ari zasi mutemberi, rimwe zuva.

Page 24: SHO65-0919 Nyota VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO65-0919 Thirst VGR.pdf · manheru ano, munyika yose, kwese kubva muCalifornia kusvikamuNewYork,neTexasne—nekumusorokunedzimwe

24 SHOKO RAKATAURWA

132 Mambo mukuru, akaisa chiso chake chakamutarisaakafunga kuti akanga ari mumwe wevarume vakurusa.Naizvowo, akanga ari munhu mukuru. Akakudzwa, nevaberekivakanaka, amai nababa vakanaka. Asi paakazobuda,zvematongerwo enyika zvake zvakanga zvakachena, uyeakagadzirisa zvinhu naMwari. Zvino Isaya wakamutarisandokufunga kuti akanga ari munhu mukuru, ndokumutorasemuenzaniso. Asi usambofa hako (kana) wakaita munhu,asi Munhu Kristu Jesu, kuti ave Muenzaniso wako.Munhu wose anokundika. Kwapera chinguva, akazosvikapanzvimbo; akange—akange ave mambo, asi akaedza kutorachinzvimbo chemuprisita ndokupinda mutemberi, ndokurohwanemaperembudzi.133 Zvino Isaya wakanetseka zvikuru, saka akaenda kutemberindokutanga ku—kunamata, akafunga kuzodzikako kutianonamata zvishoma. Iye zvino, tarisai, murume uyu aivamuporofita; asi zasi uko mutemberi kwaiva nemurumewechidiki, akanga ari kuchema kuna Mwari, rimwe zuva,zvino chiratidzo ndokuzaruka pamberi pake. Zvino paakadaro,akaona Ngirozi, maKerubhi, aiine zviso zvaWo zvakafukidzwanemapapiro aWo—aWo, netsoka dzaWo dzakafukidzwa,achibhururuka namapapiro maviri. Uye aiita Achienda shurenemberi, achikwira nokudzika mutemberi, achidanidzira,“Mutsvene,mutsvene,mutsvene JehovhaMwari Samasimba.”134 Zvino Isaya, nyota huru iya yaakambova nayo, zvichidaa—akanga akaenda kuchikoro. Zvichida a—akawana fundoyakanaka. Aiva ne—nenzwisiso inoshamisa yemupfungwa yekutiMwari aifanira kunge akaita sei. A—akanga anzwa kubvakuvaprisita. Akambopinda mutemberi. Akanga akakudzwakuva mu—mutendi, asi, munoona, akanga asati ambosangananaZvo chiso nechiso. Maona? A—akanga aine chishuwo chokuitazvakanaka. Akanga achida kunge akarurama, asi akangaachingova nezvedivi redzidzo. Akanga achingoZviziva nedivirezvedzidzo yebhaibheri.135 Asi paakapinda mutemberi nezuva iroro, ndokuonamaKerubhi aya achifambisa mapapiro aya mberi neshure,ndokucherechedza kuti Ngirozi idzi dzinoshumira pamberipechiso chaMwari. Uye Ngirozi iDzi dzakange dzisingazivechinonzi chivi, uye, dzichimira muHupo hwaMwari,Dzaitofanirwa kufukidza zviso zvaDzo zvitsvene, kuti dzigomiramuHupo hwaMwari. Zvino muporofita uyu akadanidzira achiti,“Ndine nhamo, nokuti ndiri munhu wemiromo yakasviba.Dzidzo yangu yose yebhaibheri, fundo yebhaibheri nezvimwezvandakadzidza, pfungwa dzose dzakanaka dzandaivenadzo pamusoro paMwari, ndachitarisana nazvo iko zvino.”Akati, “Ndiri munhu wemiromo yakasviba, uye ndinogarapakati pevanhu vane miromo yakasviba.” Dzidziso dzavodzose dzemirairo, nezvinhu zvose zvavakamboita, hazvina

Page 25: SHO65-0919 Nyota VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO65-0919 Thirst VGR.pdf · manheru ano, munyika yose, kwese kubva muCalifornia kusvikamuNewYork,neTexasne—nekumusorokunedzimwe

NYOTA 25

kumbosvika panzvimbo iyo paakapinda muHupo hwaMwari,ndokuona Mwari nemeso ake; uye nguwo yaKe, paAkanga agerekuMusoro, kuMatenga. Zvino heunoi uyo, achitarisana chisonechiso nemazvirokwazvo. Zvino akadanidzira, “Ndiri munhuwemiromo yakasviba, uye ndinogara pakati pevanhu vasinakuchena.”136 Zvino zvakaitika kuti Kerubhi yakatora mumbato, nezimbereMoto kubva paaritare, ndokuguma miromo iya isina kuchena.Ndokumushandura kubva kuva mbwende, kana kuti kubvakuva munhu akadzidza, mudzidzisi, kuva muporofita wokutiShoko raMwari raizotaura nemaari. Ichokwadi, paaive muHupohwaMwari, chakave chimwe Chinhu chakasiyana. Nyota iyayaiva nayo, yakanga yasvika pachiero zvino, kusvikira azadzwanaWo.137 Zvino rega ndikutaurire, shamwari, handina basa kutimachechi mangani awajoinha, angave mazita manganiawakaisa imomo, ndekupi kwaungaenda, uye kuti wakasaswa,wakabhabhatidzwa, kana zvimwe zvaungave; kusvikirawasangana neMunhu iyeye, Jesu Kristu! Izvozvo, ndicho chinhuchoga chinonyatsogutsa.138 Manyawi haagoni kuzviita; unogona kusvetuka-svetukauchidzika uchidanidzira kusvika paunodira, uye unogonakumhanya uchikwira nokudzika pasi, kana kuti unogonakutaura nendimi paunodira. Zvino zvinhu izvi zvitsvene uyezvakanaka. Handitauri—handitauri chinhu chinopikisananazvo. Asi kusvikira wasangana neMunhu uyu, Mugoveunogutsa, Chinhu icho chinobata tsinga dzose mumutumbiwako; kwete nemanyawi, asi nekugutsikana!139 Ndaimboona chimwe chiratidzo chidiki, chaiti, “Kanauine nyota, iti Parfay.” Kwakange kuine chimwe chinwiwachiduku, pandaive mukomana, chainzi Parfay. Ndinorangarirandichidzika nemugwagwa, o, ndichibva kunoraura, ndakangandaenda kuchidziva, chemvura dzisingayerere. Zvino ndakangandoziya nenzara, ndokuona chiratidzo chaiti, “Kana uinenyota, ingoti Parfay.” Ndakatanga kuti, “Parfay, Parfay.”Nyota ikatowedzera panguva dzose idzodzo. Zvino nda—nda…Maona, nda—nda—ndakasvika pokuti ndakanga ndisisakwanisekusvipa mate, mushure mechinguva, ndakava nenyota huru—huru.140 Saka, muri kuona, izvozvo hazvigoni kuzviita. Hapanachimwe chinhu chingaigutse. Handina basa, unogona kunwamakokokora, unogona kunwa chose chaungada, nemvuradzakarungwa shuga dzinofufuma, nezvimwe zvakadaro, hapanachinogutsa nyota semvura yakanaka inotonhorera, yemuhovainotonhora. Ndiyo inogutsa nyota yacho. Zvimwe zvinhu zvoseizvi zvinongotsiva.

Page 26: SHO65-0919 Nyota VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO65-0919 Thirst VGR.pdf · manheru ano, munyika yose, kwese kubva muCalifornia kusvikamuNewYork,neTexasne—nekumusorokunedzimwe

26 SHOKO RAKATAURWA

141 Ko tingadirei kutora chinofanotsiva, ipo painerubhabhatidzo rweMweya Mutsvene chairwo rwunogutsatsinga dzose nechishuwo chiri mumunhu wemukati? Zvadarowonyatsomira wakatarisana nerufu, semuApostora mukuruPauro akati, “O rufu, rumborera rwako rwuri kupi? Uye,bwiro, kukunda kwako kuripiko? Asi tinotenda Mwari, Anotipakukunda kubudikidza naShe wedu Jesu Kristu!” Ndichochiitiko, hama, chinogutsa runyararo rutsvene runo…kana kutiiya nyota tsvene iri mauri. Chinoigutsa. Hapana chimwe chinhuzvakare chaunofanira kuita nezvazvo. Hongu, Chinochenesamiromo.142 Zvino panewo, zvakare, vamwewo vanhu vanoraramapamanyawi, pane…Vamwe vanhu vanoti, “Zvakanaka, tinezvakawanda zvakadaro mubato redu rePentecosti.” Zvinovanopindamo, zviri zvakanaka, vanoridza mawoko avo [HamaBranham vanoridza mawoko avo—Mupepeti.] pamwe nokuridzamumhanzi. Mumhanzi ukamira, “sh, whew,” zvose zvinengezvadirwa mvura, munoona. Zvino isu—isu tinozviita, isu—isu tapinda mutsika yokuita zvakadaro. Isu tine, isu—isu…Yangova imwe yetsika dzedu.143 Regai ndikuudzei chimwe chinhu. Kana uchinamata Mwari,muMweya nemuZvokwadi, kana yave tsika kwauri paunozviita,nokuti unofunga kuti unofanira kuzviita; nokuti unofungakuti, kana ukasadanidzira, kana kusvetuka-svetuka, kanakutamba nemumhanzi, muvakidzani wako achazofunga kutiwakadzokera kumashure; uri kunwa kubva pahova isingayerere.Ndizvo!144 Kusvikira Wazadza tsinga yose, kusvikira Mweya MutsvenepachaWo wotubwida uri mauri; handina basa kuti mumhanziuri kurira, kana kuti vari kuridza Pedyo, NekwaMuri,Mwari Wangu, kana zvimwewo, Mweya Mutsvene unengeuchiri kuridza mabhero erumbidzo mumoyo mako. Izvozvozvinogutsa. Ndiwo Mugove waMwari unogutsa. Chose chisiriIzvi, waparara.145 Unogona kutaura nendimi sevanhu neNgirozi, unogona kupaupfumi hwako hwose kuti upe varombo chokudya, unogonakuporofita, uye unogona kunge uine ruzivo, uchinzwisisa zvosezvakavanzika nezvimwe zvose, uye unoramba pasina zvauri(VaKorinte Vokutanga 13) kusvikira Chiya chinogutsa ndichochoga chinogona kugutsa nyota yacho.146 “Mweya wangu une nyota yaMwari mupenyu, senondoinotakwairira hova yemvura. Kunze kwekunge ndaIwana,ndinoparara.” Ukasvika pakuva nenzara yaMwari zvakadaro,pane chimwe chinhu chinoitika. Mweya Mutsveneunokutungamirira kuzvitubu zvikuru izvi zvaMwari. Hongu,changamire.

Page 27: SHO65-0919 Nyota VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO65-0919 Thirst VGR.pdf · manheru ano, munyika yose, kwese kubva muCalifornia kusvikamuNewYork,neTexasne—nekumusorokunedzimwe

NYOTA 27

147 Zvino, ichocho chinhu chakanaka, kunamata muMweya.Ichokwadi. Asi pane dzimwe nguva une Mweya pasinaZvokwadi. Mutsvene Johane 4, yakati, “Tinonamata Mwari,Mweya neZvokwadi.” Zvino Jesu ndiye Zvokwadi. Ndizvochaizvo. Uye ndiYe Shoko.148 Hova dzakatumwa naMwari kuti dzikugutse, panyama,Satani akadzisvibisa dzose. Akaisa chepfu mune yoseyaakakwanisa kupinda mairi. Ndizvozvo. Akatora hova huruiyi, yechechi.149 Iyoyo, ndiyo yaive nzira yaMwari. Jesu wakati, “PaDomboiri Ndichavaka Kereke yaNgu, uye masuwo egehenahaangaIkuriri.”150 Zvino pane mamwe maonero akasiyana neiwaya. VanhuveRoma, maKatorike vanoti, “AkaIvakira pana Petro.”Munoona, kana zvakadaro, Petro akadzokera kumashure,mumazuva mashoma. Saka, haIna. Zvirokwazvo haInakuvakirwa panaPetro, Petra, dombo duku. Zvino maProtestantvanotaura, vachiti, “AkaIvakira paari Iye, Jesu Kristu.” Pasinakuve ndakasiyana, asi ndinopesana navo. Haana kumboIvakirapane chimwe chazvo.151 AkaIvakira pachizaruro chokuti Iye aiva Ani. Akati,“Wakaropafadzwa iwe, Simoni, mwanakomana waJonasi,nyama neropa hazvina kuzarura izvi kwauri, asi Baba vaNguvari Kudenga vazarura izvi kwauri.” Kwete nezivo! HaunakuZvidzidza namabhuku. Hauna kuZvidzidza nekujoinhachechi. Hauna kuZvidzidzamukudanidzira.Waka…AsiMweyaMutsvene pachaKe aunza Munhu waJesu Kristu kwauri,zvadaro, “PaDombo iri Ndichavaka Kereke yaNgu, uye masuwoegehena haaIkundi.” Nyota tsvene iya yagutswa muMunhuwaJesu Kristu. Hezvoka izvo. Ndicho chinhu chatinodakutsvaga, kugutsa nyota naCho. Zvakanaka, tinoona kutitinofanira kudaro.152 Zivo? O, ini zvangu! Zivo chinhu chikuru kwazvo,tinozara, uye muzuva rino tizere nayo. Asi munoona, zivo…sezvandaitura pane rimwe zuva, ndichitaura pachidzidzochezivo. Paiva nemumwe murume akanga akamira panze,akanga achitaura neimwe shamwari yangu akanga akamiraipapo, achiti, “Kana munhu asingatendi mune zvedzidzo, koanoverengerei Bhaibheri?” Vano…153 Ndakafunga, “Saka, kana vakatadza kunzwisisazvakataurwa naIshe Jesu, ko vachazonzwisisa sei dununurakafana neni, pane zvandinotaura?” Vakatotadza kananekuMunzwisisa, nekujeka kwose kwaAive.154 Akadaro pane rimwe zuva, “Kunze kwekungewatodya mutumbi, Ropa, ukanwa Ropa nokudya mutumbiweMwanakomana wemunhu, hauna Upenyu mauri.” Haana

Page 28: SHO65-0919 Nyota VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO65-0919 Thirst VGR.pdf · manheru ano, munyika yose, kwese kubva muCalifornia kusvikamuNewYork,neTexasne—nekumusorokunedzimwe

28 SHOKO RAKATAURWA

kumbvoZvitsanangura. Akangopfuurira mberi. Ndizvozvo.Munoona?155 “Zvakanaka,” vakati, “Murume uyu anodya vanhu.TinoMuda…kuti tidye mutumbi waKe, nokunwa RoparaKe. Ndimusvetaropa. Munoona, Anoda kuti isu tive vanamusvetaropa.” Maona? Ndavana nyanjere!156 Asi Akati, “Makwai aNgu anonzwa Inzwi raNgu.” Munoona,Rinouya kuVasanangurwa, Mwari akasanangura kubudikidzanokufanoziva. “Uye vose avo Baba…Hapana munhu anogonakuuya kwandiri kunze kwekunge Baba vamukweva. Uye vosevaNdakapiwa naBaba, vachauya, vachaRinzwisisa.”157 Vadzidzi vakanga vasingaRinzwisise, asi vaiRitenda.Maona? Ndizvozvo. Kana ukaRitenda! Handinzwisise zvinhuzvakawanda. NdinoRitenda, zvakadaro, maona, nokuti Mwarivakati Rakadaro.158 Zivo. Munoziva, evhangeri yaSatani izivo. Mangamuchizviziva here? Akaiparidza mubindu reEdheni, kuna Evha,uye ndokunyengerwa neevhangeri yake yezivo. Zvino, wasvibisarudzi rwose rwavanhu, nayo. Ndizvozvo chaizvo. Vatorahurongwa hwedzidzo, ndokuhuisa muchechi. Zvakanaka hazvokunze uko, asi kwete muShoko raMwari. Kwete, changamire.HauziveMwari nedzidzo. HauziveMwari noku—noku—nokuzivamaitiro, kudzidzamasvomho nokutauramashokomakuru.159 Pauro, akanga ari munhu akangwara. Asi paakauyakuna Kristu, akagamuchira Mweya Mutsvene, ndokuendakuvaKorinte, akati, “Handina kuuya kwamuri nemashokoanonyengera ohuchenjeri hwevanhu,” kunyangwe aigona kungeakazviita. Akati, “Ndakauya kwamuri nesimba nekuratidzwakweMweya Mutsvene, kuti kutenda kwenyu kugova munaMwari, kwete muhuchenjeri hwemumwemunhu.”160 Dzimwe nguva tinogadzira hurongwa hwechechi,vanodanawo mufundisi wavo—wavo. Chechi inosvikapakuvhotera mufundisi, vanoti, “Zvakanaka, mufundisi uyu,zvino, ane madhigirii maviri ekukoreji. Akadzidza zvepfungwakwemakore mana. Akaita izvi, izvo, nezvimwe.” Zvinovanovhotera munhu wakadaro (sei?) panzvimbo yemufundisianotenda kuti Shoko raMwari rakafemerwa uye ndiMwari, uyeagoparidza Shoko zvisinei kuti vanhu vanonzwa sei pamusoropaRo.161 Mwari vakataurira Ezekieri, munoziva, vakati, “Zviparidzezvisinei kuti vanoZvitenda here kana kuti kwete. Iwe Zviparidzechete, zvakadaro.” Maona? Ndizvozvo. Kana vakaZvigamuchira,kana kuti kwete, hazvina basa. Havana kugamuchira Jesu.Akaramba achiendamberi, achiZviparidza zvakadaro.Maona?162 Panzvimbo yemufundisi chaiye anonyatsoparidza Shokouye achitenda muna Mwari, va—va—vanoedza kuunza nya—

Page 29: SHO65-0919 Nyota VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO65-0919 Thirst VGR.pdf · manheru ano, munyika yose, kwese kubva muCalifornia kusvikamuNewYork,neTexasne—nekumusorokunedzimwe

NYOTA 29

nyanjere, munhu akafunda kudarika vose; munhu anogonakumira mupurupiti anongotora maminitsi anenge guminemashanu, kuitira kuti vakurumidze kudzokera kumba,vagoenda (vamwe) kunoitawo zvimwe, uye Ricky agotorakamotokari kake kemujawe obva aenda, uye vanogona kuendakumabiko ekutamba vachizvonyongoka nezvimwe zvose.Uye zvino, o, zvino—zvinongori zvino—zvinongori bedzimasanganiswa etsvina yedzidzo. Ndizvozvo. Ndizvo chaizvozvazviri. Ndizvozvo. Asi chii? Zvinogutsa kuravira kwavo,munoona, zvinogutsa kuravira kwenhengo yechechi yemunyika.

Hazvigutsi kuravira kwemutsvene. Anotora Shoko nguvadzose!163 Asi vanoti, “O, zvakanaka, zvino vanhu ava vave kutipengei zvishoma.”Munoona, havango, havazvinzwisise. Ivo, varikuedza kuraramamuzuva rakapfuura.164 Inga zvinoshamisa! Ndakauya kuno kuMadokero,ndokusvikowana vari kuedza kurarama zvemazuva akare,vanofarira nguva dzemamwe emazuva akare emacowboy. Zvinoukaenda muKentucky, mazuva akare emahillbilly, vanoda kuitasaizvozvo, vova nehurongwa pamusoro pazvo. Asi kana zvasvikapaChinamato chakare, havanei nechokuita naCho.165 Mazuva echinyakare? Ndakauya kuno munguvayekupingudza mabhiza, ndikaona vaine mumwe mudzimaimukuru ipapo, aiva nezvinhu zvegirinhi muzasi memazisoake, uye aine vhudzi duku rakagerwa, mudzanga wefodya uripamuromo wake. Sei, dai vakaona zvakadaro mumazuva akare,vangadai vakafunga kuti ane chirwere pane imwe nzvimbo.Ivo, vanga—vanga—vangadai vakamuvharira. Ko dai amai vakovakabuda vachifamba, vakapfeka nemapfekero aunoita iwenemwanasikanawako nhasi, chii chaiitika? Vangadai vakamuisamunzvimbo inochengetwa mapenzi. Ichokwadi, abuda asinakupfeka siketi yake. Saka, zvino rangarirai, ndizvo zvimwechete nhasi.166 Munhu ari kuora munyama yake. Kana vave kusvikapamazera anonzi epakati pakukura, pakati pemakore makumimaviri nemakumi maviri nemashanu, zvizenga zvehuropi hwavozvave kuworawo zvakare. Havachisina…Vanhu vasvika pokutihavachisina kunzwisisa kwakakwana. Havachazivi zvinorehwanokuti kudzikama. Havachazivi mutsauko pakati pechakanakanechakaipa. Uye, O, kunyangwe, hurongwa hwavo hwedzidzo,vano…167 Manga muchiziva here, dzidzo, ndinokwanisa kukuratidzai,kuti ndeyadhiyabhorosi? Kwete kuverenga nekunyora; asi,ndinoreva, kuisa dzidzo yavomuchechi menyu.168 Ko communism yakamira pai? Sainzi, dzidzo, ndiye mwariwavo. Satani, munoona, ndizvo zvaakazivisa kuna Evha. Ndizvozvavachakabatirira pazviri.

Page 30: SHO65-0919 Nyota VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO65-0919 Thirst VGR.pdf · manheru ano, munyika yose, kwese kubva muCalifornia kusvikamuNewYork,neTexasne—nekumusorokunedzimwe

30 SHOKO RAKATAURWA

169 Iye zvino zvapinda mumachechi edu, zvapindamumaBaptisti, Methodisti, nemaPresbyteriani, maPentecosti,nevamwe vose. Zvimwe zvedzidzo, kushandisa njere,mumwe mukuru nhingi-nhingi nezvimwe zvakadaro, izvozvozvinongomukandira kure naMwari. Hazvina kunaka. Hongu,changamire. Zvino, tinoona kuti, kuti (ivo) zvinogutsa chishuwochavo. Kana—kana—chechi ichinge yavhotera chimwe chinhuchakadaro, zvinongoratidza zviri mupfungwa dzechechi iyoyo,kuti chishuwo chavo chakaita sei, kuti vane nyota yei. Vanodakuti, “Mufundisi wedu anofunga zvakatambanuka. Haana basanesu tikanotuhwina vakomana vakasangana nevasikana, uyeanotoenda nesu.”

170 Mumwe musikana muduku akaudza Sarah wangu, rimwezuva. Mufundisi wake akange amboenda kuAfrica; zvinopaakadzoka, akakumura nguwo dzake, manheru iwayo,ndokupfeka tuhembe tunobata, ndokumutambira chiwatusi,kumuvaraidza nokuti akambenge ari kuAfrica. VaWatusi rudzirwuri ikoko, munoziva. Vakomana, ndingada kuona mumwewevasikana vangu, muungano yangu, achiedza kuita chinhuchakafanana naizvozvo, watusi?

171 Munoona, zvinongoratidza bedzi! Uye mufundisi agogaraakatarisa mumwe wemuungano yake, kamwe (kane makoregumi nematanhatu kana gumi nemasere) kasikana kunzeuko kakashama zvakadaro, zvino omurega pasina zvaaitwa,zvinongoratidza kuti akabuda muchidziva chine tsvina,iye pachake, munhu waMwari achiita chinhu chakadaro.Zvirokwazvo.

172 Zvakakwasharara, asi ndinocherechedza kuti ndirikuparidzira nyika yosewo, zvakare. Asi munozivawo izvizvakare, hama, hanzvadzi, rega ndikutaurire, ndichoChokwadi.

173 Gora rinoda zvinhu zvakafa. Ndizvozvo. Zvino izvozvozvakafa! Ndizvozvo chaizvo. Zvinoratidza pachena,zvinoratidza zviri pachena pano zviri musoro wavo nenharirireyavo, kuti iri kuvapei, munoona, izvo zviri mumoyo mavo. Moyowavo unoshuvira zvinhu zvakadaro.

174 Moyo wavo unoshuvira chechi ine vanhu vakadzidzazvikuru, kune vanhu vanopfeka zvakanakisa, uye mufundisianongotora maminitsi gumi nemashanu, kana makumimaviri. Zvino ukapfuurira iwaya, vanomudana seri kubokaramadhikoni. Uye haafanire kutaura chinhu pamusoro pechivi.Haafanire kutaura chinhu nezvekupfeka zvikabudura, uyekana kutaura nezvevanhu vachiita izvi, izvo, kana nezvimwe.Haafanire kutombozvitaura zvachose. Kana akazviita, bhodhirinoita kuti abviswe. Muri kuona zvazviri? Ndiyo sefa yavoyemunhu anofunga.

Page 31: SHO65-0919 Nyota VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO65-0919 Thirst VGR.pdf · manheru ano, munyika yose, kwese kubva muCalifornia kusvikamuNewYork,neTexasne—nekumusorokunedzimwe

NYOTA 31

175 Bhaibheri rinoti, muna Johane 2:15, “Kana uchida hurongwahwenyika ino, kana zvinhu zvenyika ino, nokuda kwekuti rudorwaMwari harutomborimo mauri.”176 Ko zvose zvokupengereka zvavaita muzuva rino, nemuzitarechechi; vachiita square danzi muchechi, bunco, bingo, mapati,rock-and-roll yevechidiki, twisti, nezvose izvi! Onai uyu ElvisPresley, dhiyabhorosi akapfeka shangu! Pat Boone, RickyNelson, kunyadziswa kukuru kwati kwambotakurwa nenyikaino! Ndizvozvo. Vanoti, “O, vanobatikana nezvokunamatazvikuru, vaiimba dzimbo dzechiKristu.” Havafanire kudaro.Che—chechi haifanire kutombotendera chinhu chakadaro!Vamwe vemachinda aya anoenda kunze uko, uye—uyenhasi manheru vari mu—mubhawa kunze uko, vachitambanokuridza mumhanzi nezvese, zvino usiku hunotevera vanouyapaaritari vochema, neusiku hunotevera vari kuridza mumhanzipapuratifomu. O, baba, vangu wee! Ko marara angasvika,ko marara angasvika kupi, zvakadaro? Hongu, changamire.Ngaazviratidze kutanga kuti munhu waMwari, kwete zvese izvinokuti anogona kukwenya chigitare kana zvimwewo.177 Kubva pachishuwo chako, unogona kuziva kuti ndianiari pachigaro chekutonga chemumoyo mako. Nokudakwezvaunoda, ndizvo zvinotaura. Iwe, unoti, “Zvakanaka,ndinofunga kuti zvinhu zviya zvakanaka, Hama Branham.”Saka, chingorangarira zvino, mumoyo mako, unoziva zvirimo.Hongu, changamire. Nokuda kwechiri kudyiwa nemunhuwako wemukati, izvo zviri kuitirwa nyota nemunhu wakowemukati, uye unoona kuti chinomugutsa; kana risiri Shokorino, zvino panenge paine chakatsveyama, nokuti MweyaMutsvene unorarama neShoko roga. Maona?178 Ndinoda kuti muone imwe njodzi huru, tisati tavhara, kanausina—kana usina mhosva yechimwe chezvinhu zvandataura,uye, ndiyo, njodzi yekushaya hany’a nenyota. Maona? Unoti,“Ndine nyota tsvene. Asi ha—handina mhosva, Hama Branham,yokungoenda ndonojoinha chechi, nezvinhu zvakadaro.” Asi,ona, kushaya hany’a nenyota! Ukashaya hany’a yekugutsa nyotayemvura kana chikafu, unofa. Ukashaya hany’a nenyota irimauri, yaMwari, unofa pamweya.179 Munodanira rumutsiriro, unomirira kuti chechi yako ivenerumutsiriro. Zvakanaka, harusi—harusi rumutsiriro rwako.Rumutsiriro runofanira kutangira mauri, paunotanga kuvanenyota yaMwari. Panogona kunge pasina imwe nhengo,yemuchechi, iri kuda rumutsiriro irworwo. Kana rwukatungiramauri, rwunozotungidza dzimwe nzvimbo. Maona? Asi,munoona, unoshaya hany’a nenyota iyoyo.180 Ukarega kukama mhou, kana mhou yava…zamu rakasisanemukaka; zvino kana ukarega mhou iyi igogara yakadaro,inowomamukaka. Ndizvo chaizvo. Ukarega kunwamvura, woti,

Page 32: SHO65-0919 Nyota VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO65-0919 Thirst VGR.pdf · manheru ano, munyika yose, kwese kubva muCalifornia kusvikamuNewYork,neTexasne—nekumusorokunedzimwe

32 SHOKO RAKATAURWA

“Handichambofi ndakanwa zvakare,” unofa. Ukarega kudyachikafu, unofa.181 Saka ukarega kupa Mweya Mutsvene Shoko raMwari,unofa.182 Imi Makristu, imi maBaptisti, maMethodisti,maPresbyteriani, maPentecosti, veAssemblies of God, Oneness,Twoness, Threeness, chero zvamungava, munoona; handinabasa, izvozvo hazvina zvazvinoreva kwandiri, handifungi kutizvinodarowo kuna Mwari. Munoona, uri munhu dungamunhu,uri chinhu chiri choga. Hamuzoendi Kudenga sechechi, kana sa—sangano. Unoenda Kudenga semunhu mumwe, zviri pakati pakoiwe naMwari. Ndizvo zvoga.Hazvina basa kuti uri wechechi ipi.183 Zvino kana ukarega kuverenga Bhaibheri nokutendaBhaibheri, uye Mweya Mutsvene uchidya paRiri, unofa. Jesuwakati muna Johane 4:3; Gwaro randawana chaizvo…Jesuakati, “Munhu haangararami nechingwa choga, asi neShokorose,” kwete chikamu chaRo.184 Tinotora zvishoma, zvishoma pano. Ndinomuti wakadaromutasvi weBhaibheri anosvetuka mamwe mavhesi. Vanoti,“Zvakanaka, ndinotenda Izvi, asi zvino ngatiendei uko,munoona.” Maona?185 Unofanira kuRitora, Shoko neShoko. Jesu wakati, “Munhuanorarama neShoko rose rinobva mumuromo waMwari.” Mangamuchizviziva here? [Ungano inoti, “Ameni.”—Mupepeti.]186 Zvino, munoziva, takaita kuti—takaita kuti zuva ratigeremariri, ta—takaita kuti zuva rino…ku—ku—kutsveyamiswakwezvinamato.187 Mwanasikana wangu akandidana, nguva shoma yapfuura,ndokuti kwandiri, “Baba,” ari kune rimwe divi reimba, akati,“uyai kuno, tichange tiine nhepfenyuro yezvekunamata.”Yaive iri yekuimba, kuimba dzimbo dzekunamata, zvinopaiva nekamwe kaRicky kakanga kachiverenga ipapo.Kana ndakamboona boka rinomhura, ndirori! Vakomanavaive kumusoro ikoko, nevanhu, zvaiita sokunge mutambowemunodyirwa. Zvichiita serumwe rudzi rwemaIndia, zvinovaingoenderera, ne—nekumbochirika vozorovana nezvibhakera.188 Kuripi, kwakaendepi kuperera, dziripiko nziyo dzakaredzataimboimba, tichifara muMweya waMwari, nemisodziichiyerera nepamatama edu? Iye zvino tinoedza kumbomirakufema kusvikira tisisina mweya wekufema wakakwanamatiri, kusvika chiso chashanduka kuva neruvara rwebhuruu,kuedza kuratidzira kuti uri muimbi weimwe mhando.Munoona, takazvitevedzera kubva kuHollywood, nehurongwahwose hwatinoona mukuimba uku kwezvenjere nekudzidzisakushandisa mazwi. Ndi—ndinofarira kunzwa kuimbakwakanaka; ndinofarira kunzwa kuimba kwakare kwakanaka,

Page 33: SHO65-0919 Nyota VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO65-0919 Thirst VGR.pdf · manheru ano, munyika yose, kwese kubva muCalifornia kusvikamuNewYork,neTexasne—nekumusorokunedzimwe

NYOTA 33

kunobva pamoyo, kwechipentecosti. Asi zvirokwazvondinovenga katswiriri kavanoti kuimba, muzuva rino.Ndizvozvo. Ndinofunga kuti ndicho chinhu chisina kanakumbofanira. Kutsveyamisa. Ndizvozvo.189 Ndinoda kuona murume ari munhurume. Ndinovengakuona uyo anenge akapfeka nguwo dzemudzimai wakedzemukati kunze uko, dzakatsemurwa parutivi; uye—uyenevhudzi rakaiswa roller rakarembera nechepano pamberi, uyenematani maviri evhudzi akarembera sematsumbu, rakachekwapamberi. Zvakadaro, ha—handingamboti zvakadaro murume.Haazive kuti ari divi ripi rerudzi. Maona? Ndizvozvo. Munoonamudzimai, onai, mudzimai ari kuedza kudimbura rake, ogadziravhudzi rake seremurume; murume ari kuedza kugadzira vhudzirake, zvitsumbu, seremudzimai. Murume ari kupfeka nhumbidzemudzimai wake dzemukati; mudzimai ari kupfeka hovhorosiyemurume.Munoona, kunongori kutsveyama, kwese-kwese.190 Ndizvo zvimwe chetewo zviri nyika, nevanhu, nemachechi,nezvose. O Mwari! Aripiko magumo ezvinhu izvi? KuuyakwaIshe Jesu Kristu, ndiwomagumo azvo.191 Ndizvo, kana ukarega kupa Mweya Mutsvene chokudyacheShoko raMwari! Jesu wakati, “Shoko rose richaitwaneMweya Mutsvene.” Uye chiterera zvino. Ukaedza kuUpachikafu chisiri icho, kana Uri Mweya Mutsvene wechokwadiuri mauri, Uchaziva mutsauko. Zvino, rangarira, kuti MweyaMutsvene unodya paShoko raMwari. Haudye pakunakidzwa.Haudye padzidzo. Haudye pakuenda kuchechi. Haudye padzidzodzebhaibheri. Pane mutsauko mukuru pakati pechinhuchakafemerwa nemaonero acho ari edzidzo yebhaibheri.192 Vose vaya vadzidzi vebhaibheri mumazuva aJesu, ini wee,vakanga vaine shoko richitevera shoko, peji ichitevera peji,zvose zvakanyatsorongeka, Mhesiya anofanira kuuya nenziraiyi! Ndizvo chaizvo zvazvaive. Zvino ivo, vose, vakazvipotsa.Munoziva zvakataurwa naJesu paAkauya, akati, “Muri vababavenyu dhiyabhorosi, uyemabasa akemuchaaita.”193 Zvakanga zisina kuzarurwa kwavari zvaiva Shoko chairo.Munoona, vakapotsa tumakona tuduku tuya, sekupotsa kwavarikuita nhasi. “Kana ukava nhengo yekwakati nekuva nhengoyekwakati, unenge uri pakanaka.” Usambozvitenda. Unofanirakuva waKristu. Zvino kana muine chimwe Chinhu mauri, chinenzara yaKristu!194 Chingorangarira, pawaive muchiuno chababa vako,wakanga uinavo kareko. Asi baba vako vakanga vasati vavakukuziva, uye iwe wakanga usingazive baba vako. Zvinowakatozouya kuti uzvarwe. Mwari vakaita nzira nemuna amaivako, vave pa—panokurira mbeu, zvino yakazouya. Zvinowakazova murume kana mudzimai, chero zvazvaiva, zvadaro

Page 34: SHO65-0919 Nyota VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO65-0919 Thirst VGR.pdf · manheru ano, munyika yose, kwese kubva muCalifornia kusvikamuNewYork,neTexasne—nekumusorokunedzimwe

34 SHOKO RAKATAURWA

wakazocherechedza baba vako, uye baba vako vakazokwanisakuyanana newe.195 Zvino, rangarira, kana uine Upenyu Husingaperi, Upenyuhwako hwaive muna Mwari pakutanga. Zvino, Upenyu,Mwari iShoko. Zvino Shoko parakaitwa nyama muna JesuKristu, Mwari vachidzika kuzogara mumutumbi waVopachaVo, vakaZviita kuva Mwanakomana waMwari. ZvinoMwari pavakadzika kuzogara imomo, iwe waive maAripaAkarovererwa pamuchinjikwa. Zvino wakarovererwa pamwechete naYe, uye ukafa pamwe chete naYe paKarivhari.Wakavigwa pamwe chete naYe, pagomo. Uye ukamuka naYe,mangwanani eEsta. Uye zvino mugere pamwe chete munzvimbodziri kumaTenga, maAri, uye zvino wave nekuyanana naYe.Maona?196 Mwari pachaKe akave mumwe wedu. “Hakuna munhuakamboona Baba, nguva ipi zvayo, uyo Akabarwa ari oga(Mwanakomana) naBaba ndiye akaMuzivisa.” Naizvozvo,Mwarivakava munhu, kuti vagoyanana newe semunhu. Maona? Iyezvino wave—wave nyama, uye iYe inyama. Mwari akaitwanyama pakati pedu, muMunhu weMwanakomana waKe, JesuKristu. Uye maAri maiva naMwari. Aive Mwari, pasina chimwekunze kwekuva Mwari. Aive Mwari. “Mwari achizviratidzamuMwanakomana, JesuKristu,” zvakaMuita kuti aveEmanueri,sokureva kwakaita muporofita kuti Aizove.197 Zvino chionai, zvadaro, waifanira kuvepo nyika ino isatiyavambwa, zita rako rakaiswa muBhuku reUpenyu reGwayana.Ko zvino unogona kudyei? Mweya Mutsvene unoraramaneShoko raMwari. Zvino muna Zvakazarurwa 22:19, theBhaibheri rakati, “Ani naani achabvisa Shoko rimwe kubvaUmu, kana kuwedzera shoko rimwe kwaRiri, chikamu chakechichabviswa kubvamuBhuku reUpenyu.”Muri kuona kudzamakwazvakaita? Haukwanise, Mweya Mutsvene hauraramenezvinhu zvemunyika.198 Seshiri njiva negunguwo. Gunguwo munyengeri mukuru.Gunguwo, muchinda iyeyu anogona kuenda kunze uko uyeagodya gorosi zuva rose; ozoenda neche uko obhururukira panechakafa, pachitunha chagarisa, ochidyawo zvakare. Anogonakugara mumunda uye agogona kudya pamwe nenjiva, gorosi,zvino ozoenda kunodya chitunha chakafa.199 Asi njiva inogona kudya gorosi zuva rose, asi haigone kudyachitunha chakafa, nokuti injiva. Zvino njiva haina kana nduru.Kungodya kamwe kubva pachitunha chakafa, kunouraya njiva.Munoona, haina nduru. Zvino ndizvo zvazviri, hapana nduru.200 Ndizvo zvakaita Mukristu chaiye, wechokwadi. Havadizvinhu zvemunyika. Vanongodya paShoko raMwari, uye iRoroga; iro rakachena, Sefa yemunhu anofunga. Munoona,

Page 35: SHO65-0919 Nyota VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO65-0919 Thirst VGR.pdf · manheru ano, munyika yose, kwese kubva muCalifornia kusvikamuNewYork,neTexasne—nekumusorokunedzimwe

NYOTA 35

vanopfuura naImomo, uye Imomo moga. Zvinhu zvakafazvemunyika, zvinovanhuwira.201 Onai gunguwo rakare mumazuva okuparadzwa nemvura,richibhururuka richibva pane mutumbi richienda pane mumwe,richidya zvitunha zvakafa kare, harina kuzodzoka kuareka.Asi njiva yakashaya pokumhara netsoka dzayo, munoona,yakadzoka kuareka kwayaiwana mbeu. Zvino ndiwo maitiroatinoita, tinorarama neShoko raMwari.202 MumaPisarema 42. Dhavhidha aifanira kunge akanyoraPisarema iri, maPisarema 42, paainge ari kutiza, paakati,“Mweya wangu une nyota yenyu Imi, senondo inotakwairirahova yemvura.” Tarira, akachema. Dhavhidha akanga ari kutiza.Akanga a…Aiva nemafuta echizoro paari, aiziva kuti aizovamambo. Muporofita akanga amuzodza kuti azova mambo. Zvinocherechedzai, zvino heunoi uyu, aiva neboka duku ramasoja,raiva nevaHedheni, nevamwewo, vaive pamusoro pegomo. Ukokwaiva, neguta rake rinodikanwa, nokuda kwechivi chavo,rakanga rakapoteredzwa nevaFiristia. ZvinoDhavhidha, nezuvairo raipisa, zvinoita sokuti ndipo paakanyora Pisarema iri,“Senondo inotakwairira hova yemvura.”203 Cherechedzai Dhavhidha ari muchinhano ichi. Akatarisapasi, akatarisa guta rake rinodikanwa. Zvino akarangarirapaaive mukomana mudiki, aipota achienda nemakwai panechimwe chidziva imomo. Yaive huru, nyika huru yemvura,uyezve nyika yechingwa, zasi ikoko. Zvirokwazvo,Bheterehema,zvinoreva “imba yeChingwa chaMwari.” Zvino apo Dhavhidhapaakarangarira achienda nepo achinonwa mvura yakanakainotonhorera, zvino pano arere kumusoro kuno zvino, mutizi,kure nevanhu vake. Akanga asina nzvimbo yaaigona kuenda,zvino mweya wake unofanira kunge wakachemera mvura iyayakanaka inotonhorera.204 Akanga aine vamwe varanda ipapo avo, imiwee, zvokutichishuwo chake chidukusa kwavari yaive rairo. Zvino ivo,vatatu vavo, vakarwisa nzira yavo nemuvaFiristia; mamaeragumi nemashanu, mamaera manomwe, kana zvimwewo,vachidzika pamwe nokudzoka; vachicheka nzira yavo nepakati,ndokumuigiramvura iyoyo yokunwa. Asimweya une nyota…205 Mutumbi wake, iye akange ari kumusoro ikoko, pamweaingonwa kubva mune chose chaaigona kuwana, matehweakasakara embudzi nezvimwewo, muine zvimvura zvaipisa,musi iwoyo pakwaipisa. Akafunga, “Dai ndaingokwanisa kurarapasi ndopedza nyota iyi yandiinayo! Dai ndangogona kudzikazasi uko kuBheterehema ndovata pachitubu chiya, ndobvandanwa!”206 Zvino pavakadzika vakanotora mvura, ndokuiunzazve,nyota yepamweya wake yakanga yakakurisa, kweteyeBheterehema, asi kubva kuJerusarema; ndizvo zvaiva mweya

Page 36: SHO65-0919 Nyota VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO65-0919 Thirst VGR.pdf · manheru ano, munyika yose, kwese kubva muCalifornia kusvikamuNewYork,neTexasne—nekumusorokunedzimwe

36 SHOKO RAKATAURWA

wake. Saka akapirisa mvura iyi, achiti, “Handitomboinwi.”Ndokuidururira pasi. Munoona, mweya wake waitonyanyakuva nenyota yaMwari, kudarika kugutswa neyakanaka…nyota yake yemutumbi wake, nemvura yakanaka inotonhorera.Akaidururira pasi.207 Onai, Imba yaMwari, mvura dzinotonhodza mweyadzeJerusarema, iri kumusoro! Jesu akati, muna Johane 6:33,“Ini ndini, Chingwa cheUpenyu. Ini ndini Chingwa cheUpenyu.”Bheterehema, “imba yaMwari,” chechi yedu, chechi yepanyikayaMwari, iyo chechi iri pano panyika. Tinodisa kuenda kuchechiiri pano panyika, asi Jerusarema ihuru zvakadarika, iyoiri kumusoro, inova Mwari. Jerusarema yekumusoro, inovaMwari! Nyota yemweya iyoyo yakakurisa, kuti uveko naYe,kudarika zvazvingava kungozvigutsa nokujoinha chechi paneimwe nzvimbo. Munoona, kujoinha chechi hazvigutse nyotaiyi. Dhavhidha wakazviratidza pano, mvura dzakanyatsobvamuimba yaMwari, munoona, akaidururira pasi; kuti awanekufarirwa, kuti awane kunwa kwakanaka kunotonhorera kubvakuna Mwari. Kunyangwe pana izvozvo…Kudarika nyota irimauri, inyota yemunhuwemukati yokudaMwari.208 Cherechedzai Jerusarema, shoko. “Jerusarema inobvakumusoro,” Bhaibheri rakati, “izvo zvatiri…ndiro Amai vedutose.” Zvino Kristu ndiye Amai vedu. Tinocherechedza kutiMwari ndiye Amai vedu, nokuti takaberekwa naYe. Shokoiri rinongoreva kuti “rugare,” Jerusarema, Shalom. Kanakuti, Shalom, zvinoreva kuti “rugare,” Jeru-shalom, munoona,zvinoreva “rugare.”209 Ngaifanire kuve iyo nyota huru yemweya wose, yemvuradzeUpenyu, kudarika kungoti uri nhengo yechechi; nyotayemunhu wemukati haikwanise kugutswa, nyota chaiyoyechokwadi. Inogona kutsveyamiswa. Unogona kufunga kutiuri pachinhano chakanaka kana wajoinha chechi, asi handiZvo.Izvozvo hazvigutse nyota yechokwadi tsvene yaMwari.Hazvitombokwanisi kuzviita. Zvinongo…Hazvipo zvachose.210 Zvino Dhavhidha akati, mumaPisarema 42:7 pano, “Kanapakadzika podana Pakadzika, paruzha rwemapopoma eNyu,”kudana kwemunhu wemukati.211 Tarirai, ndinowanzoshandisa ichi semufananidzo.Kana paine zenze pamusana wehove, rakatoiswapo kutiigorishandisa pakushambira. Inebasa naro. Zvino dai iyoyaiti, “Ini ndichange ndiri hove yakasiyana nedzimwe.Ndichange ndakangwara, ndiri hove yakadzidza. Uh-huh,ndi—ndichango…ndichanyatsotenda imwe dzidzo yebhaibherichaiyo! Ndinotenda kuti handifanire kunge ndiine zenze iri”?Hapana kure kwainosvika mumvura, ingadaro? Zvino ndizvochaizvo.

Page 37: SHO65-0919 Nyota VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO65-0919 Thirst VGR.pdf · manheru ano, munyika yose, kwese kubva muCalifornia kusvikamuNewYork,neTexasne—nekumusorokunedzimwe

NYOTA 37

212 Ko dai muti wakati, “Zvino, ndinoziva kuti paifanira kuvanenyika kutanga, yekuti ndigokurirapo. Ndizvozvo. Ndinofanirakukura muvhu. Asi ndichange ndiri muti wakasiyana nemimwemiti, ndinoda kuti vagondigadzika kunze uko pakati penzira,kuitira kuti ndionekwe”? Munoona, hauzorarami nguva refu.Maona? Ndizvozvo.213 “Kana pakadzika podanira Pakadzika”: Zvinotorazvinodarika kujoinha chechi. Zvinotora zvinodarikakukwazisana maoko nemuparidzi. Zvinotora zvinodarikakurarama upenyu hwakanaka, hwakatwasuka. Zvinotorachimwe chinhu kugutsa zviri mukati mako, zvinodururwazvichidzika kubva kuna Mwari, zvichipinda mumunhuwemukati. “Pakadzika pachidana Pakadzika, paruzharwemapopoma eNyu, O Ishe. Pakadzika pachidanaPakadzika!”214 Imhandoi yenyota yatingafunga kuti iri matiri manheru ano?Isu, sevanhu vechiPentecosti, tiri kuendepi? Imhandoi yenyotairi matiri? Imhandoi yenyota iri mandiri? Imhandoi yenyota irimauri? Usaedza kunyaradza nyota tsvene yaMwari.215 Makore akapfuura, pavakanga vaine ndarama mumakomoari kuno uko. Ndakaverenga imwe nyaya, makore mazhinjiakapfuura, yakaramba iri mandiri. Yaiti paiva ne—nemutsvakiwezvicherwa akaenda pane imwe nzvimbo kudarika makomoari kuno, achitsvaka ndarama, ndokuwana nzvimbo yaiveyakapfuma. Zvino akadzoka, achifunga; kana achingeasvika kuguta, izvo zvaizova, matambudziko ake ose akangeapera. Zvino—zvino aka—akaedza ku—kuti, “Mangwanandichapindamo uye ndicha…” Rwendo rwezuva rimwe chete,anenge achipinda muguta, uye anenge aine ndarama. Zvinoakanga aine masaki makuru aive azere naro.216 Aiva nembwa pamwe naye. Kwete kuenzanisa imbwakuMweya Mutsvene, asi sezvandiri kungopa mufananidzo. Asiimbwa iyi…217 Usiku hwose,mutsvakiwezvicherwa uyu aive avete panhowoyake, zvino—zvino akatanga kufunga, “Zvino, mangwanandicha—ndichatora ndarama yangu yose, zvino ndichava izvozvandagara ndichida kuva. Nda—nda—ndagara ndichingodakuva munhu mupfumi. Nda—ndagara ndichida kuva ndiinezvinhu zvakanaka, nezvakadaro.”218 Zvino—zvino imbwa iya yakatanga kuhukura, nokudakwekuti paiva nemhandu yakanga yave kusvika. Zvino a—akabuda kunzeko, ndokuti, “Nyarara!” Nokudaro imbwayakabva yanyarara. Uye achangodzokera panhowo, paakangeoita sokuchibatwa nehope, imbwa yakabva yatanga zvakare,ichichirika pangetani. Akaenda pamukova zvakare, ndokuti,“Nyarara! Ndinoda kuti uzive kuti mangwana ndichange ndirimupfumi, waona,” uye ndidzo dzaive vavariro dzake huru. Asiimbwa yakatanga kuhukura zvakare.

Page 38: SHO65-0919 Nyota VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO65-0919 Thirst VGR.pdf · manheru ano, munyika yose, kwese kubva muCalifornia kusvikamuNewYork,neTexasne—nekumusorokunedzimwe

38 SHOKO RAKATAURWA

219 Zvino pakupedzisira, akawodzwa moyo, akaendandokunotora chifefe chake ndokupfura imbwa, akaiuraya.Akati, “Handichisina basa newe, zvakadaro. Mangwanandichange ndiri mupfumi. Ndichavamupfumi,mangwana.”220 Zvino akagadzika pfuti mukona, ndokufuratira musiwo,ndokubva akotsira. Zvino paive nemurume ainge arikumutevera, kwemazuva, akapinda kaverevere ndokumuuraya.Haana kuzova mupfumi, munoona, akanyararidza bheroreyambiro raiedza kumuudza kuti upenyu hwake hwakangehwave panjodzi.221 Zvino, hama, hanzvadzi, hauzombokwanisi…Usambofawakaedza kunyararidza yambiro tsvene iri kudana mumoyomako, munoona, nokujoinha chechi, nekudzokorora chitendwa,nekuva nhengo yerimwe sangano.222 Pane chinhu chimwe chete chinogona kuigutsa, ndiyeMunhu, Jesu Kristu. “Senondo inotakwairira hova yemvura,saizvozvo mweya wangu unotakwairira Imi, O Mwari. Mweyawangu une nyota yaMwari mupenyu!” Munoona, pane chinhuchiri mauri, chinoda kuona kufamba kwaMwari. Mweya wakoune nyota yaZvo. Usamirire pane chinhu chisiri ichoChi.223 Usarege mumwe mufundisi achikuudza kuti, “Unofanirakungomukwazisa ruwoko rwake, wojoinha chechi, kana ivanhengo yesangano rino.” Usauraya yambiro tsvene. Rwurikukuyambira. Rimwe zuva richauya pauchasvika pamagumoenzira.224 Sezvakaita mumwe mudzimai muduku wemuguta redu ukokwatinobva. Akaudza…Kamwe kasikana kadiki kakaendakokuchechi, zvino kaive kari kasikana kakaisvonaka. Zvinoainge kachidzika nenzira. Aiva nevhudzi refu, munoziva,uye vhudzi rake rakange rakadhonzerwa kumashure rakatitsvete sehanyanisi yakamenywa, potse-potse, uye chisochake chainge…asina kuzora pendi. Zvino musikana uyuaipota achimuseka, achiti, “Dai wanga usina muparidzi uyaakapata wauinaye kumusoro uko,” achireva ini, ndokuti—ndokuti, “unogona kuzoratidzika sechinhu chakadzikama. Asiunoratidzika sechinhu chabva muchitoro chinotengesa zvinhuzvakare-kare.” Uye, o, ainyatsomufurufusha, nguva dzosepaaimuona saizvozvo. Akati, “Mufundisi wedu ane pfungwadzakatambanuka.” Akati, “Iye—iye—iye anozviziva. Izvovo, seimuchiita zvakadaro? Hazvina basa, nemapfekero ako kanazvaunofunga.” Zvine basa! Bhaibheri raMwari rakati zvinebasa. Tichararama neShoko rose!225 Zvino musikana muduku uyu haana kumbomuteereranapaduku pose, ndokuramba achienda mberi. Atorimumishinari izvozvi.226 Saka zvino uyu—uyu mudzimai muduku akazorwaranechirwere chepabonde, zvino ndokufa. Shamwari yangu

Page 39: SHO65-0919 Nyota VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO65-0919 Thirst VGR.pdf · manheru ano, munyika yose, kwese kubva muCalifornia kusvikamuNewYork,neTexasne—nekumusorokunedzimwe

NYOTA 39

yakamupombera mushonga wokuchengetedza zvitunha apoakange ave kufa. Akandiudza, akati…Mushure mokungemudzimai afa, akaramba achinzwa kunhuwa kwemushonga.Akange aine buri rakange rakadyika parutivi pake, chirwerechepabonde. Havana kana…Kunyangwe vabereki vake havanakuziva dambudziko rake. Zvino akafa. Asi asati afa…227 Aidzidzisa Sunday school. Zvino boka rake rose dukureSunday school vakauyamo, vaida kumuona paainge oendakuDenga, Ngirozi dzouya kuzoenda naye dzakamutakura. Zvinomufundisi wake aive panze, achiputa mudzanga wefodya,achifamba achikwira nokudzika muhoro yemuchipatara. Zvinovose vainge vachizoimba paanenge ave kufa, munoziva. Vaizivakuti akanga achizofa. Vana chiremba vakati akanga ari kufa,saka vose vakanga vachazoona Ngirozi dzichiuya, dzichiendanaye dzakamutakura.228 Zvino pakare-pakare, akanga apo zvino atarisananamazvirokwazvo! Zvino, akanga ari nhengo yakatendekayemuchechi, akanga ari mudzidzisi weSunday school, uyeari nhengo yechechi yakatendeka yeimwe chechi yesanganohuru yakanaka. Asi zvino paakatanga kutandadza, rufurwakamurova; maziso ake akadzvondoka, zvino ndokuti,“Ndarasika!”Akati, “Ndarasika! Endai,munotoramufundisi!”229 Akadzima mudzanga wake, ndokufamba achipinda, achiti,“Pano, pano! Pano, pano! Tichadana chiremba kuti akubayejekiseni rinokudzikamisa.”230 Akati, “Handisi kuda jekiseni rokudzikamisa.” Ndokuti,“Iwe munyengeri wavanhu! Ndave kufa, uye ndave kuendakugehena. Zvino ndarasika nokuda kwekuti wakatadzakundiudza Chokwadi. Endai munotora kasikana kaduku kayakekwaGoodhue, muuye naye kuno kwandiri, nokukasika. Arimuchokwadi.”231 Mira kusvika wasangana nemazvirokwazvo kamwe.Usaedze kumisa yambiro tsvene iyi. UsaIdhuurire kurenechifefe chemiromo miviri, chechimanjemanje, chedzidzo.Terera kuyambiro iyo yeMweya Mutsvene, manheru ano, irikukuyambira, “Ndini Nzira, Zvokwadi, neUpenyu; hapanamunhu anouya kunaBaba, asi nekwaNdiri.”UyeNdiye Shoko.

Ngatikotamisei misoro yedu kwechinguvana.232 Ndinoda kudzokorora Shoko rimwezve raIshe Jesu,pamunenge muri kufunga nezvaro. Jesu akati, muna Mateu5, “Vakaropafadzwa avo vane nzara nenyota.” Anotorimaropafadzo kuva nenyota iyi mauri. Wasvika here panzvimboyekuti hurongwa hwako—hwako—hwako hwose hwasvibiswanezvemasangano, netwuzvinamato twakatsauka nemapoka,nezvimwe, twuhurongwa twechechi, zvokuyanana, sokujoinhamapato, nezvimwe zvakadaro, kubva pane ino chechi uchiendakune imwe chechi? Ko Dhiyabhorosi akakwanisa here

Page 40: SHO65-0919 Nyota VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO65-0919 Thirst VGR.pdf · manheru ano, munyika yose, kwese kubva muCalifornia kusvikamuNewYork,neTexasne—nekumusorokunedzimwe

40 SHOKO RAKATAURWA

kuisa mvura iya yakasvibiswa, zvino iwe uri kushapirakubva imomo, senguruve iri muchinwiro? Apo, hautombozivichinopedza nyota chechokwadi chaMwari; kuMuona,mazvirokwazvo, kubudikidza neMweya Mutsvene uri kugaramauri, uchizviratidza. Kana waka—kana wakadaro manheruano, kana uchine nyota yaMwari, rega ndikutaurire:

Riripo Tsime rizere neRopa,Rakatorwa kubva mutsinga dzaEmanueri,Apo vatadzi vakawira pasi pamafashama,Vanobviswa makwapa avo ose okupomerwa.Mbavha iya yaifa yakafara kuonaTsime iri muzuva rake;Kana neniwo, ndakashata saiye,Ndinosuka zvivi zvangu zvose.Kubvira nokutenda ndakaona iyo hovaInodirwa nemaronda eNyu anojuja,Rudo runodzikinura rwakava dingindirarangu,

Uye zvichadaro kusvikira ndafa.233 Kana uine nyota iyi manheru ano, kuti uwedzere zivoyezvaMwari, uye kuti ugoswedera pedyo naYe, ungasimudzehere ruwoko rwako zvino apo musoro wose wakakotama, uchiti,“Ndinamatireiwo.” OMwari, tarirai mawoko!234 Kunze uko munyika kuri kusvika nhepfenyuro zvino,kubva kuMabvazuva, kuMaodzanyemba, kuMadokero,nekuChamhembe, imi muri mumakamuri, simudzai mawokoenyu kuvafundisi nekune ani aripo, kuti unoshuva; iwe, chimwechinhumauri, chine nyota yaMwari. Nyota iya tsvene!235 Usaigutse. Oh, unoti, “Hama Branham, ini—inindakadanidzira kamwe. Ndakatamba ndiri muMweya.” Rega,rega, rega kugamuchira zvakadaro. Kwete.236 Mirira kusvikira kugutsikana uku kwasvika, Mugoveunogutsa wehuzaro hweMweya Mutsvene hunouya mauri,zvadaro mabhera omufaro okudanidzira, nokutaura nendimi,nokutamba muMweya, anouya. Hauzodi kuzviita nomumhanzi.Unozviita paunenge uchidzika nomugwagwa, uri mumotokariyako. Unozviita paunenge uchitsvaira pasi mumba. Unozviitapaunenge uchikomerera zvipikiri mumadziro, pabasa rakorohukaripenda. Kwese kwaungava, Mufaro uya usingataurikeuzere nekubwinya!

Zvino ngatinamatei.237 Baba voKudenga Vanodikanwa! Yakareba, yakarebenuka,yakatambanuka, iyi Mharidzo duku manheru ano, asi, MwariVanodikanwa, dai Mweya weNyu Mutsvene waendesa du—dudziro kumoyo yose. Imo muchechi muno, manheru ano,manga muine mawoko akawanda akasimudzwa mudenga,

Page 41: SHO65-0919 Nyota VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO65-0919 Thirst VGR.pdf · manheru ano, munyika yose, kwese kubva muCalifornia kusvikamuNewYork,neTexasne—nekumusorokunedzimwe

NYOTA 41

kwese kwakapoteredza mumahoro nekwese. Isu—isu, Mwarivanodikanwa, tinovanamatira. Oh, dai Mugove uya unogutsawaMwari (unova Kristu, Tariro yeKubwinya, Tariro yeUpenyumauri), dai Ikauya kunemumwe nomumwewavo.238 Kunze uko munyika, kubva kuCalifornia, kumusoro-sorokuNew York zvino, uko kuri nguva dzamavambo emangwanani,vari kutoteerera kumusoro ikoko; uko ku—kuNew Hampshire,uye tichidzika muBoston, uye nekwese zasi kuTexas, tichipfuuranemuIndiana, topinda nomuCalifornia, nekwakapoteredza. OMwari, tarirai mawoko ayo; tarirai zviri pasi pawo, Ishe, iwomoyo apo une nzara nenyota.239 Zuva rino rakatsveyama, apo dhiyabhorosi apofomadzamaziso evanhu, nokungojoinha chechi, voti, “Ndizvo zvogazvaunoda.” Uye vanoramba vachizvitarisa vachiona maitiroavari kuita, uye nechishuwo chavainacho chokuda kufanananenyika.240 Apo, Bhaibheri rinotiudza kuti, “Kana tikangoda zvinhuzvemunyika, rudo rwaMwari harutombori matiri.”241 Pafungei, Baba, matsveyamisiro aanogona kuita Shokoramazvirokwazvo rechokwadi, uye kuti vanogona kuti, “O,tinotenda Bhaibheri, asi kwete Izvi. Hatitende Izvi. Tinotendakuti Izvi zvaive zverimwe zera. Tinotenda kuti izvi ndizvoZviya,” nokuti, rimwe sangano rakamonyorora pfungwa dzavomuchidziva chiya chine tsvina.242 Apo, Jesu paakati, “Ani naani achatapudza Shoko rimwechete kubva mune Izvi, kana kututsira shoko rimwe chetekwaRiri, chikamu chake chichabviswa kubva muBhukureUpenyu.”243 Mwari Vanodikanwa! Fungai nezvezvigumbuso musiwekuTongwa, apo vanhu vakararama upenyu hwakanaka,hwakachena, hutsvene, vachienda kuchechi nokutendesekakwose, vonge vakarasika.244 Fungai pamusoro pevaFarisei vaya, kuti, kubvira varivakomana vaduku, vaidzidziswa muShoko, vachipfuuranemuzvikoro nezvose, vatsvene (vaitofanira kuva saizvozvo,kana kuti vaifa vachitakwa namabwe), uye Jesu akati, “Murivababa venyu dhiyabhorosi.”245 Kutiwo Israeri yakadzika zasi ikoko! Zvino iyi ngaiveyambiro kumaPentecosti, Ishe, munyika yose. Kuti Mosesi,muporofita, akadzika achiuya muEgipita, kuzozadzikisaShoko raMwari, kuunza chiedza chemanheru kwavari! Kutivakawona zvishamiso zvikuru zvaMwari! Kuti vakamutevera,vakayambuka Gungwa Dzvuku, vakabhabhatidzwa kwaari,vakaenda murenje vakadya chikafu cheNgirozi chakadonhakubva Kudenga. Uye zvadaro ndokuramba kutora Shokorose, pavakadzoka kubva kuKadheshi-barnea…kuenda

Page 42: SHO65-0919 Nyota VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO65-0919 Thirst VGR.pdf · manheru ano, munyika yose, kwese kubva muCalifornia kusvikamuNewYork,neTexasne—nekumusorokunedzimwe

42 SHOKO RAKATAURWA

kuKadheshi-barnea, kubva ku—kubva kunyika yechipikirwa,zvino ndokuti, “vakaita sehofori; hatigoni kuzviita.” Apo,Mwari akanga ati, “Ndakatokupai nyika yacho nechekare”!Vepamuganhu! Jesu akati, “Ivo, vose, vakaparara. Vakafa,”vakarasika, vasina Mwari, kunyange vakaita zvinhu zvose izvi.Vakawona zvishamiso izvi; vakafadzwa, vakatamba vachikwiranekudzika pamahombekombe egungwa, naMiriyemu,pavairidza matamborini. Zvino vatatu bedzi, kubva pakatipemamiriyoni maviri, ndivo vakapinda.246 Tinocherechedza, Baba, kuti kana mbeu, zvizenga zvinobvakumurume nemudzimai, pazvinobatana, pane imwe bedzi,kubva pakati pemiriyoni, inogamuchirwa. Chizenga chimwechinobva kumunhurume chinowana zai rakakwana remudzimai,munhukadzi, zvinomamwemamiriyoni ose anoparara.247 Pane miriyoni, mamiriyoni maviri, vakabuda muEgipita;vaviri, Joshua naKarebhu, vakapinda munyika. Mumwechete kubva mumiriyoni. Baba, ndi—ndinodedera kanandikazvifunga. Fungai, pasi rose nhasi, mamiriyoni mazanamashanu eMakristu, kunozova nemazana mashanu kanaMuri mauya nhasi. O Mwari, itai kuti tirangarire kuti Shokorose raMwari rinomira, serangaridzo. Tinofanira kuRitenda.Tinofanira kuRiteerera.248 Uye paMakati, “Tendeukai, mumwe nomumwe wenyu,mugobhabhatidzwa nemuZita raJesu Kristu kuti muregererwezvivi, uye muchagamuchira chipikirwa cheMweya Mutsvene.Nokuti vimbiso ndeyenyu, nekuvana venyu, nekune avo varikure, neavo vose vachadanwa naIshe Mwari wedu.” Uye, Mwari,Muchiri kudana, manheru ano, uye vimbiso ndeye pose apopamunenge Muchidana.249 Zvino vafundisi vamonyorora pfungwa dzevanhuava, ndokuitungamirira nechikoro chedzidzo yebhaibheri,chemasangano, kune chinhu chokungoti, “O, iwe ingotendachete.” Dhiyabhorosi anotendawozve, asi haakwanisekugamuchira Mweya Mutsvene. Judhasi Isikarioti waive…akaita zvo—zvose, zvakaitwa navadzidzi, kuparidza Evhangeri;asi payakasvika nguva yokuti agamuchire Mweya Mutsvene,akaratidza mavara ake.250 Mwari, dai vanhu vemunyika manheru ano vacherechedzakuti, pasina chiitiko ichocho, vakarasika. Dai akave iwomanheru ano apo mweya yavo ichagutswa neMugove Wenyu,Ishe, patiri kuvakumikidza muruwoko rweNyu. NdeveNyu,Ishe. Isu tinopindurira bedzi kune zveShoko. Ndinonamatakuti vagotenda nemoyo wavo wose, uye vagozadzwa neMweyaMutsvene. Takumbira nemuZita raJesu. Ameni.

NdinoMuda, ndinoMudaNokuti Akatanga kundida

Page 43: SHO65-0919 Nyota VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO65-0919 Thirst VGR.pdf · manheru ano, munyika yose, kwese kubva muCalifornia kusvikamuNewYork,neTexasne—nekumusorokunedzimwe

NYOTA 43

Ndokutenga ruponiso rwanguPamuti weKarivhari.

251 O, Iye ndiye here Mugove wako unogutsa? [Unganoinoti, “Ameni.”—Mupepeti.] O, ini zvangu! MunoMuda herenomoyo wenyu wose? [“Ameni.”] Zvino, maShoko acho dzimwenguva anocheka, asi ngatiimbei muMweya zvino, munoona,mumwe nomumwe wedu zvino. Ngatikwazisane nehamaigere pedyo newe, nehanzvadzi, wobva wangoti, “Mwariakuropafadze, mufambi,” patiri kuchiimba zvakare. [HamaBranham vanokwazisana nevanhu.]

NdinoMuda, ndinoMudaNokuti Akatanga kundidaNdokutenga ruponiso rwanguPamuti weKarivhari.

252 Zvino takwazisana mumwe nomumwe. Zvinongatingovharai meso edu tigoimba muMweya, takasimudzamawoko edu kwaari.

NdinoMuda, ndinoMuda,Nokuti Akatanga kundidaNdokutenga ruponiso rwanguPamuti weKarivhari.

O, haAshamise here?Anoshamisa, shamisa, Jesu kwandiri,Gurukota, Muchinda weRugare, ndiYe MwariSamasimba;

O, kundiponesa, kundichengetedza kubvakuchose chivi nokunyadziswa,

Anoshamisa muDzikinuri wangu, rumbidzaiZita raKe!

O, anoshamisa, shamisa, Jesu kwandiri,Gurukota, Muchinda weRugare, ndiYe MwariSamasimba;

Kundiponesa, kundichengetedza kubvakuchose chivi nokunyadziswa,

Anoshamisa muDzikinuri wangu, rumbidzaiZita raKe!

253 O, uri kufadzwa here nechiitiko chako naKristu? [Unganoinopembera, “Ameni.”—Mupepeti.] HaAshamise here? HaAgutsehere?

Ndakange ndakarasika, zvino ndawanikwa,ndisina kupomerwa,

Jesu anopa rusununguko neruponiso ruzere;Kundiponesa, kundichengetedza kubvakuchose chivi nokunyadziswa,

Anoshamisa muDzikinuri wangu, rumbidzaiZita raKe.

Page 44: SHO65-0919 Nyota VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO65-0919 Thirst VGR.pdf · manheru ano, munyika yose, kwese kubva muCalifornia kusvikamuNewYork,neTexasne—nekumusorokunedzimwe

44 SHOKO RAKATAURWA

O, anoshamisa, shamisa, Jesu kwandiri,Gurukota, Muchinda weRugare, ndiYe MwariSamasimba;

O, kundiponesa, kundichengetedza kubvakuzvose chivi nokunyadziswa,

Anoshamisa muDzikinuri wangu, rumbidzaiZita raKe!

254 Munotenda here kuti zviri muMagwaro? [Ungano inoti,“Ameni.”—Mupepeti.] Bhaibheri rakati, “Omberai mawokoenyu. Itai ruzha rwemufaro kunaShe.” Munoziva, ndagarandichida kuridza mumhanzi. Mwanasikana wangu, Rebekah,ari kudzidzira piyano. Mwanakomana wangu muduku arikudzidzira bhosvo. Asi ini—ini ndakadzidzira rudimbwarwetambo gumi. [Hama Branham vanotanga kuwomberanamawoko avo.]

Anoshamisa, shamisa, Jesu kwandiri,Gurukota, Muchinda weRugare, ndiYe MwariSamasimba;

Kundiponesa, kundichengetedza kubvakuchose chivi nokunyadziswa,

Anoshamisa muDzikinuri wangu, rumbidzaiZita raKe!

Munomuda here? [Ungano inoti, “Ameni.”—Mupepeti.]

Tichafamba muChiedza, Chiedza chakanaka,Chouya apo madonhwe edova retsitsi openya;Achitivhenekera pose masikati nemanheru,Jesu, Chiedza chenyika.

Tichafamba muChiedza, Chiedzachakaisvonaka,

Chinouya apo madonhwe edova retsitsiopenya;

Achitivhenekera pose masikati nemanheru,Jesu, Chiedza chenyika.

255 [Hama Branham vanotanga kuimba nemahon’era, “Jesu,Chiedza cheNyika,” uyewo ungano inoimba nemahon’era pamwenavo—Mupepeti.] ShumiraMwari nezvose zvauinazvo.

Kana vatsvene vopinda,Kana vatsvene vopinda,Ishe, ndinoda kuva mumwe wavoKana vatsvene vopinda.

O, kana voMugadza Ishe wazvose,Kana voMugadza Ishe wazvose,Ishe, ndinoda kuva mumwe wavoKana voMugadza Ishe wazvose.

Page 45: SHO65-0919 Nyota VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO65-0919 Thirst VGR.pdf · manheru ano, munyika yose, kwese kubva muCalifornia kusvikamuNewYork,neTexasne—nekumusorokunedzimwe

NYOTA 45

O, kana zuva roramba kupenya,Kana zuva roramba kupenya,Ishe, ndinoda kuva mumwe wavoKana zuva roramba kupenya.

256 Munozvida here izvo? [Ungano inoti, “Ameni.”—Mupepeti.]Zvino handizivi kuti tsoka dzenyu dzakatendeuka here,hamuchatambazve, kunze uko munyika? Maona? Ngatiridzeipasi netsoka dzedu, kunaShe, kunaShe. Iwe, ko mawokoako akatendeuka here, hauchabazve zvakare? Miromo yakoyakatendeuka, hauchanyepizve zvakare? Usangoisa chinamatomumusoro wako, chiise pauri wose. Ndizvo chaizvo. Zvinotoramunhu wose. Ndizvozvo. Iye zvino ngatiridzei pasi netsokadzedu.

Kana vatsvene vopinda,Kana vatsvene vopinda,Ishe, ndinoda kuva mumwe wavoKana vatsvene vopinda.

O, kana vatsvene vopinda,Kana vatsvene vopinda,Ishe, ndinoda kuva mumwe wavoKana vatsvene vopinda.

Iye zvino ngatingosimudzai mawoko edu.

Kana vatsvene vopinda,Kana vatsvene vopinda,O Ishe, ndinoda kuva mumwe wavoKana vatsvene vopinda.

Kana voMugadza Ishe wazvose,Kana voMugadza Ishe wazvose,Ishe, ndinoda kuva mumwe wavoKana voMugadza Ishe wazvose.

257 HaMumude here? [Ungano inopembera, “Ameni! Kubwinya!Hareruya!”—Mupepeti.]

Zvadaro tichafamba muChiedza (Iye ndiyeChiedza, munoziva), Chiedza chakanaka,

Chinouya apo madonhwe edova retsitsiopenya;

Hongu, kutivhenekera pose masikatinemanheru,

Jesu, Chiedza chenyika.258 Munotenda here kuti ndiYe Chiyedza chenyika? [Unganoinoti, “Ameni.”—Mupepeti.] Munotenda? Pauro akati, “Kanandichiimba, ndinoimba muMweya. Kana ndichinamata,ndinonamata muMweya.” Munoona, zvose zvaunoita, zviitezvose uri muMweya. Ndizvozvo. Zvino Mweya unounza UpenyukuShoko. Ndizvo here? Ndizvozvo. Hongu, changamire.

Page 46: SHO65-0919 Nyota VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO65-0919 Thirst VGR.pdf · manheru ano, munyika yose, kwese kubva muCalifornia kusvikamuNewYork,neTexasne—nekumusorokunedzimwe

46 SHOKO RAKATAURWA

Mose vatsvene veChiedza taurai,Jesu, Chiedza chenyika;Nyasha netsitsi muZita raKe,Jesu, Chiedza che…

Zvino tinozoita sei?Tichafamba muChiedza, Chiedza chakanaka,Chouya apo madonhwe edova retsitsi openya;Achitivhenekera pose masikati nemanheru,Jesu, Chiedza chenyika.

259 Ndine hurombo nokukuvhiringidzai imi varidzi, zvakadaro,asi ndinobva ndangobatikana. Handizive zviri nani panekungorumbidza. Ndiwo maitiro amunozviita. Hongu,changamire. Ndinotenda nomukana uno, Hama Mack, wekuuyakuzonamata nemi nechechi yenyu pano manheru ano, vanhuvose ava vakaisvonaka.260 Zvino kunemi imi masimudza mawoko enyu munodarubhabhatidzo rweMweya Mutsvene, ndinovimba kutimuchasangana naMufundisi Mack vari pano, kana vamwe vavo,zvino mozoenda mukamuri iri seri kuno. Uye ingorangarirai,Mwari pavakataura Shoko pakutanga, ndokuti “ngakuve ne,”zvaitozofanira kuvepo! Uye Akati, “Vakaropafadzwa avo vanenzara nenyota yekururama, nokuti vachagutswa.” Munoona,zvinofanira kuiitika. Mouya kuzoshanyira mufundisi wenyupano, nokumira naye paanenge achiparidza Evhangeri.261 Iye zvino ngatiimbei zvakare chimbo chiya chakarechakanaka, ndinongochida, “TichafambamuChiedza.”262 Jesu wakati, “Ini ndini Chiedza,” uye imi muri maAri.Maona? Unopinda sei maAri? KuMujoinha? Kwete. Kwaziso?Kwete. Rubhabhatidzo rwemumvura? Kwete. “NeMweyamumwe chete tinobhabhatidzwa muMutumbi mumwe, unovandiwo Mutumbi waKristu.” Zvino mumutumbi iwoyo munezvipo zvipfumbamwe zvinoshumira nemumutumbi wepo ipapo,chechi yepo. Ndicho chiapostora, kana ndakamboziva nezvacho.Ndizvozvo.

Saka tichagara muChiedza, muChiedzachakanaka,

Chinouya apo madonhwe edova retsitsi o…[Hama Branham vanotaura naMufundisi Mack—Mupepeti.]

Zvakanaka!…?…Achitivhenekera pose masikati ne…

[Hama Branham vanotaura naMufundisi Mack—Mupepeti.]Wanga uri mufaro chaiwo! [Hama Mack vanoti, “Maita henyu,hama. Maita henyu.”]

Page 47: SHO65-0919 Nyota VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO65-0919 Thirst VGR.pdf · manheru ano, munyika yose, kwese kubva muCalifornia kusvikamuNewYork,neTexasne—nekumusorokunedzimwe

NYOTA SHO65-0919(Thirst)

Mharidzo iyi na William Marrion Branham, yakaparidzwakwokutanga neChirungu Svondo manheru, 19 Gunyana, 1965, paGrantway Assembly OfGod muTucson, Arizona, U.S.A., yakazotorwa kubva pa tepi yaka rhekodwandokuzodhindhwa muChirungu pasina chakamurwa. Kuturikirwa ukumuchiShona kwakazodhindhwa nokugoverwa neve Voice Of God Recordings.

SHONA

©2014 VGR, ALL RIGHTS RESERVED

VOICE OF GOD RECORDINGS, ZIMBABWE OFFICE

8 ST. ANNES ROAD, AVONDALE, HARARE, ZIMBABWE

VOICE OF GOD RECORDINGS

P.O. BOX 950, JEFFERSONVILLE, INDIANA 47131 U.S.A.www.branham.org

Page 48: SHO65-0919 Nyota VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO65-0919 Thirst VGR.pdf · manheru ano, munyika yose, kwese kubva muCalifornia kusvikamuNewYork,neTexasne—nekumusorokunedzimwe

Chiziviso chekodzero

Kodzero dzose dzakachengetedzwa. Bhuku iri rinokwanisa kudhindhwa papirinda yekumba kuti ushandise uri iwe pachako kana kugovera kunze, usingatengesi, semudziyo wekuparadzira Evhangeri yaJesu Kristu. Bhuku iri harigoni kutengeswa, kudhindhwa akawanda, kuiswa pawebhusaiti, kana kuwana mumuchina waringachengeterwa, kuturikirwa mune mimwe mitauro, kana kushandiswa kukumbira mari pasina mvumo yakanyorwa nevekuVoice Of God Recordings®.

Kuwana umwe umboo kana zvimwewo zviripo zvingawanikwa, tapota nyorerai:

Voice of God RecoRdinGsP.o. Box 950, JeffeRsonVille, indiana 47131 U.s.a.

www.branham.org